Bhiza

(runangakatsva kubva kuMakashu)

Bhiza (Horse in English) imhuka iri pamupanda wedzinoyamwisa inowanikwa ichipfuyiwa pamusha uye inowanikwa musango. Vamwe vatauri vanoti hachi kana kuti mbigi. Bhiza rine mahwande - izvi zvinoreva kuti rine tsimba rakabatana kuita rimwe zvinosiyana nemombe kana mbudzi dzinoita matsimba akapatsanurwa kuita huviri.

Bhiza

Mabhiza imhuka dzinokwanisa kumhanya neSpidhi wepamusoro uye ane chipo chekugona kuramba amire asina kuwa nyangwe akakotsira. Kugona kumhanya uye kukotsira amire zvinobtsira pakuti bhiza rinokwanisa kutiza zvikara zviri nyore.

Mabhiza anoshandiswa mabasa anosanganisira: mujawo; kurima; mitambo yakasiyana-siyana uye muhurapi. Makarekare mabhiza aishandiswa muhondo nemawuto, achitakura mawuto nokusenga mitoro. Zvinhu zvinowanikwa kubva kumabhiza zvinosanganisira: nyama; mukaka; vhudzi; mapfupa uye mishonga inogadzirwa nemutundo wenzvari dzakazvitakura.

Kurarama kweBhiza chinjirudza

Zvichienderana nerudzi rwebhiza, kwarinogara uye machengeterwo, bhiza rinorarama kusvika makore 25-30. Kune mamwe mabhiza akararama kusvika makore 40 mamwe akadarika. Bhiza rakararama zvine tsamba dzinozivikanwa rainzi "Old Billy" rakararama kusvika makore makumi matanhatu nemaviri (62); iri bhiza rakararama mwaka wechizana 19 - (19th Century). Mumakore amazuvano bhiza rainzi "Sugar Puff" rakanyowa muGuinness Book of World Records richinzi ndiro bhiza rakararama kuva nemakore makumi mashanu nematanhatu - 56.

Mazita emhuri chinjirudza

Kune mazita emhuri ane chekuita nebhiza. Mamwe ndiwo anoti: Bhiza, Mabhiza, Mahachi, Mbigi.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • MaZulu vanoti ihashi (n. horse) kureva hachi.
  • Kenzi inoti kaj kana ‘’’kac-ci’’’ (n. Horse) kureva hachi.