Spidhi
Muchidzidzo fundoyetsimba,Havu-kavu ,Spidhi (Speed) izwi rinodudza nhambwe yafambwa paumwe hwechiyero chenguva. Spidhi ine tsazaniso inoti Spidhi = (nhambwe/nguva); uye une chiyero chinonzi mita pa sekondi (m/s) Spidhi hautarisi kuti nhambwe yafambwa pakatwasuka here nokuti hauna rudzivo runopimwa - uku ndiko kusiyna kwacho nemuchacha.
Spidhi unonyanya kushandiswa mungoro dzemoto kuti mutyairi azive kuti garimoto rake riri kumhanya zvakadii. Nyika zhinji dzine mitemo inobata Spidhi yema garimoto zvichienderana nenzira yacho. Vatyairi vanofanira kutarisa Spidhi kuti vasabatwa nemhosva.
Tsika
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- BaKalanga neVaBemba vanoti lubilo (speed, in running; rapid pace; a race, fast) richireva spidhi.
- VaNyungwe vanoti luwiro (speed, race). VaLenje vanoti luwilo (adv. fast, speed) vachireva spidhi.
- VaNyakyusa vanoti ulubilo (race) kureva mujawo. VaChewa neMang'anja vanoti liwiro (speed), kureva spidhi.
- VaTumbuka vanoti mwaluwiro (fast, quickly). VaYao vanoti mbirimo (haste; diligence).
- VaGwere mbiro (race, running, athletics; act of running at a fast pace) kureva mujawo wekumhanya kana kufambisa netsoka.
- Umbundu vanoti olupese (n. speed, swiftness) kureva spidhi.