Masaisai
(runangakatsva kubva kuManhanda emvura)
Masaisai (Waves) zvinoreva masundire angava ari kuitika mumvura, mumhepo, echiedza kana emuriro. Masaisai emvura anokodzerwa nemhepo inosunda mvura kuita mihomba inosumuka kuenda mudenga ichisundwa nesimba remhepo kana nechiro chinenge chadonhera mumvura. Asiwo kana zvinorira zvinotepfenyura masaisai ekurira anofamba nemumhepo. Chiedza zvakare chinofamba semasaisai.
Vamwe vatauri vanoti musuna kana vachireva masaisai madiki angaitwa nedombo rakandirwa mudziva - ripples kuChirungu.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Mafungo, fungo kana manhanda emvura (a wave, billow) kutaura saisai remvura.
- Tarisai chinyorwa chinonzi fungura.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaChewa vanoti funde kana mfunde (a wave) vachireva fungo. VaSwahili vanoti mfungua (loosening , unfastening, release, liberation, rescue).
- VaNyarundi vanoti umukuba (current of a stream, wave) vachireva muyerero. VaGanda vanoti jengu (n. wave) vachireva masaisai.
- VaKongo vanoti mavuku (n. waves). Mang'anja vanoti kwekwe (eddy). Zigula vanoti sungula (eddy).
- VaLenje vanoti mukuku (n. current) vachireva muyerero.