Gaka
(runangakatsva kubva kuMashonja)
Gaka kana gachika chirimwa chino wanikwa munyika dziri kuchamhembe kweAfrica dzinoti: Zimbabwe, South Africa, Namibia, Botswana, Zambia, Mozambique, neAngola. Muchero uyu unonzi horned melon kuEnglish. Mhando inonyanya kuwanikwa muZimbabwe ndeiya ine minzwa. Kune dzimwe mhando dzakasiyana kusanganisira iya inonzi haka ino wanikwa mudunhu reManicaland. Haka yakasiyana nemamwe magaka nekukura kwayo. Inokura kuenzana nenwiwa.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Barotse vanoti mbwiti (n. horned melon) vachireva gaka. Budya vanoti mashonja kureva gaka.
- Chewa vanoti vipwete (n. horned melon) kureva magaka. Tumbuka vanoti chimphwete (n. horned melon) kureva gaka.
- Nyanja Zambia vanoti vitunguza (n. horned melon) kureva magaka. Silozi vanoti liwakaka (n. horned melon) kureva magaka.
- Runyankole neRukiga vanoti kiwano kureva gaka. Setswana vanoti mokapane kureva gaka.