Mbatatisi
(runangakatsva kubva kuMatapiri)
Mbatatisi chirimwa chinokurira pasi pevhu sembabaira. Chirimwa ichi chinokura kuita zimudzi rinobumba pasi rinova ndiro rinocherwa richizodyiwa. Mbatatisi ndiwo kudya kukuru kunyika dzeEurope.
Vamawe vatauri vanoti mbatata kana matapiri. Izwi rokuti mbatata rinotodzana neChiPortuguese chinoti batata.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Lingala inoti libenge (potato, sweet potato). Kinande inoti eki-tsungu (n. Potato).
- VaChewa vanoti mbatata (sweet potato). Shimwali vanoti batata (potatoes) kureva mbatatisi.
- VaNyungwe vanoti batata (potatoes) kureva mbatatisi. MaZulu vanoti ubatata (sweet potatos) kureva mbambaira.
- Barotse vanoti litapule kana matapule (n. potato) kureva matapiri. Basotho vanoti tapole kana litapole (n. potato) kureva matapiri.