Kuturikidza (heap, pile) zvinoreva kugadzika zvinhu kana nhumbi dzakagara pamusoro peimwe, dziri pasi dzakatakura huremu hwedziri pamusoro. Hari dzinorongwa pachikuva dzakaturikidzana. Vatauri vechiManyika vanoti kutunhikidza.

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Nhurikidzwa - murwi wakarongeka - orderly pile.
  • Kutanhukidzwa (to raise higher) apa kureva kusimudza kusvika pakakwirira.
  • Pakaturama kana -turama (be in raised position) apa kureva kuva panzvimbo yakakwirira.

Mashoko ari pano anokwanisa kuzoshanda kuturikira chinonzi structure kuEnglish.

Chitukutuku izita remhuri muZimbabwe.

  • Anesu anga akabata dukutuku remari.

Mitauro yeAfrika

chinjirudza
  • VaLenje, neVaTonga vanoti mulwi (heap, pile e.g. of grain, grass or sticks) kureva murwi. Shambala vanoti shungu (n. heap) kureva murwi.
  • VaYao vanoti chitutu (the ashpit ; dunghill). Hadiyya inoti duta (fullness, abundance, many). Mamwe mazwi: dut (adj. many). Dutukko (to be abundant or in excess).
  • Kinyarwanda inoti kurunda (to pile together, heap). Ila vanoti ilunda (a big heap) kureva zimurwi. Kimbundu vanoti kulunda (v. keep, conserve, preserve, maintain).
  • KiKagulu inoti dilundo (n. heap) kureva murwi. Mamwe mazwi: (v. 1. to hoard, be a miser; 2. to assemble, collect). Kinande inoti ekirunda (n. a heap of stones; type of sweet potato).
  • VaFwe vanoti ku-kambika (to put on top of each other). Mamwe mazwi: n-kambikiro kana n-kambikwa (n. profit). Umbundu inoti ondunda (pile) kureva murwi.