Ngongoni (Wildebeest in English) imhuka inowanikwa muAfrica iri pamuapanda wedzinoyamwisa. KuMabvazuva kweAfrica ngongoni ndiyo mhuka ine huwandu hwakanyanya pamhuka dzine mumhu muhombe. Rimwe zita rinoshandiswa rinonzi mvumba.

Kuberekana

chinjirudza

Mhuru dzengongoni dzinozvarwa panguva imwe chete; chikamu chinosvika 90% chinozvarwa panguva yemasvondo matatu (3). Kuzvarwa kwemhuru dzakawanda kudai kunoreva kuti tariro yokuti mhuru imwe neimwe inorarama nekukura zvichienzaniswa nokunge mhuru yazvarwa kunze kwemasvondo matatu aya. Mushure mokunge mhuru idzi dzazvarwa dzinotanga kutevera ana mai vadzo.

Kutama kweNgongoni

chinjirudza

Ngongoni dzinozivikanwa nokutama kwadzinoita gore negore dzichitsvaka mafuro matsva. Mhuka idzi dzinovamba rwendo rwekutama mumwedzi waChivabvu naChikumi zvikuru ne chikonzero chekuti mafuro anowanikwa otanga kuoma nenguva iyi mukugadzIrira nguva yechando inenge yoswedera, apo nzara inomanikidza kuti ngongoni dzitame. Mugore rokunge kusina mafuro, dzinokurumidza kutama uku mwedzi waChivabvu kana chikumi usati wasvika dzichitsvaka mafuro manyoro ane chikafu chakarurama.

Zvikara zvinodya ngongoni zvinosanganisira: shumba; dindingwe; bere; mbada negarwe - zvikara izvi zvinoita sezvinofarira nyama yengongoni. Iyo ngongoni ine simba rokuti inokwanisa kurwisa uye kukuvadza chero neshumba zvakaipisisa. Mhuka iyi inokwanisa kumhanya kusvika pazvinhambwe zvingaita makumi matanhatu nezvina mukati meHour (64km/hr) MuZimbabwe ngongoni dzinowanikwa dzakawanda kuHwange National Park.

Mukutama kwadzinoita Ngongoni mumwaka wekutanga kwechando, dzinofamba dzakaita sevarwi vanezvavakachengetedza. Ngongoni dzinofamba dzakaita chitsama kana dzirimu gurumwandira rimwe, mhou, zvimhuru uye dzakwegura ndidzo dzinofamba dziripakati nepakati pegurumwandira. Chikamu chinotevera chinenge chine majongosi, mhou dzisina mhuru nezvindumurwa. Kumapeto kwegurumwandira kunowanikwa kuine mikono kazhinji. Kurongana ukukunobatsirawo mukuchengetedzeka kwedanga reNgongoni. Mbvumba dzinowanikwa kumapeto kwegurumwandira dzinorwisana zvikuru nezvikara zvinenge zvoda kudya mhuka idzi. Shumba chaidzo dzinoshaiwa kananeimwa yadzinobata parwiswa neMbvumba.

Marongeke aya anoitawo kuti mafuro achadyiwa nezvikamu zvemhuka idzi asiyane, dziripamberi uye dziri kumacheto dzichawanikwa dzichifura mafuro asakambo furwa chinova chibairo chenjodzi inotarisana nemhuka dzirikumapeto kwegurumwandira.

Kuberekana

chinjirudza

Ngongoni dzinotanda (Danha) nzvari (mhou kana tsiru) pakupera kwemwaka wekunaya kwemvura apo mhuka idzi dzinenge dzakasimba. Nguva yokushumira iri pakati paChivabvu naChikumi, mhuru dzichizozvarwa pakati paJanuary naMarch. Ngongoni dzinotakura pamuviri kwemwedzi misere kusvika mipfumbamwe (8-9). Nzvari dzinobindura panguva imwe chete. Zvikwata zvenzvari dzengongoni zvinogara munzvimbo dzinochengetedzwa nemikono. Mikono inodana nzvari nokukuma nokudzvova.

Ngongoni inodyiwa nyama kuchamhembe kweAfrica, nyama iyi inoitwa chimukuyu. Vanoodya vanoti nyama yenzvari ndiyo nhete pane yemukono.

  • Mvumba imhuka ine simba yokuti inokwanisa kukuvadza shumba. Saka paine kutaura kunoti, "Akarwa semvumba".

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • MaZulu vanoti inkonkoni (n. wildebeest) kureva ngongoni. VaVenda vanoti khongoni (n. wildebeest) kureva ngongoni.
  • Swahili vanoti kongoni (species of antelope, hartebeest, gnu). Zigula vanoti nkongoni (species of antelope).
  • Lenje vanoti nyumbwe kana nyumbu (wildebeest) kureva ngongoni. Mamwe mazwi: nyumbu (wildebeest) kureva ngongoni.