Kumberi
(runangakatsva kubva kuPamberi)
Izwi rokuti kumberi kana mberi (in front, ahead) rinoreva nzvimbo iri kuri kuendwa asi kusati kwasvikwa, kana iri kwakanangwa kwakatariswa nemutauri.
- Kumberi zvinokwanisawo kureva divi rine maziso emunhu kana mhuka.
- Kana pari pamba kumberi zvinoreva divi riri kumugwagwa kunowanzopinda nako vanhu.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudzaMitauro yeBantu
chinjirudza- Digo vanoti mbere (front) kureva mberi. Mamwe mazwi: mbere ya kana mbere za (in front of; before) kureva mberi kwa kana mberi kwe.
- Swahili vanoti mbele (front) kureva mberi. Swahili vanoti imbele (in the presence) kureva mberi.
- VaTonga vanoti enembo kana kunembo (in front of) kureva kumberi. Mamwe mazwi: kumbele (ahead, forward, in front, future) zvichireva kumberi.
- VaMaconde vanoti muyo (front, before) kureva kumberi. Sokuti muyo mwaangu - (in front of me).
- VaWabo vanoti osongolro (future) vachireva ramangwana.