Rupandano
Muchidzidzo masvomhu, izwi rokuti rupandano (Proportionality in English) rinocherechedza hukama huripo pakati pehuwandu hwezvipimwa zviviri. Ngatitii munhu anoshanda pabasa panobhadhara $60 pazuva (8hr). Kana akashanda 6 awa anenge achifanirwa kubhadharwa $45 kana kuti (60 x 6/8) nokuti ashanda Chiharu chezuva chete. Iyi ndiyo mari inoyenderana nenguva yaashanda. Akashandawo 4 awa, anenge akafanirwa kubhadharwa $30 kana kuti (60 x 4/8). Saka apa mubhadharo unopiwa serupande rwemari yepazuva rose rokubata basa (8hrs). Kutaura kwekuti Rupandano kunorevera kuti huwandu hwemari yabhadharwa hunofananidzwa nemari yekushanda zuva rose nechimedu chinonyorwa paenzane sezvizvi:
Mari yabhadharwa = (Mari yepazuva x Nguva yashandwa)/(Nguva yekushandwa pazuva) = (60 x N) x 1/(8)
Kureva kuti chikamu chezuva chinobhadharwa chichitevera chivavatara cheRupandano 1/8, apa N anomirira awa dzashandwa pazuva. Munhu achinge ashanda zuva rose (8hr) anowana chikamu (8/8 = 1) chemari yepazuva, inova (60 X 1)
Kupiwa kwezita
chinjirudzaMutowo weRupandano
chinjirudza: y = 1/x Kuti pabude y panokondekwa x kunze kwepana x = 0.
- Rupandano rwakadondeka runoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchikura panokurawo huwandu hwechimwe chepiri.
- Somuenzaniso wapiwa pamusoro wokuti mari inobhadhrwa munhu inowanda nokuwandawo kuniota nguva yaashanda.
- Mumwe muenzaniso werupandano rwakadondeka unowonekwa ndewekuti chikafu chinodyiwa nevanhu pamabiko chinowanda nokuwandawo kwevanhu vauya pamabiko.
- Rupandano rwakakondeka rinoitika apo huwandu hwechinhu huchinge huchidzika apo panenge pachikwira huwandu hwechimwe chepiri.
- Somuenzaniso kana muchovha uri kufamba kubva Harare kuenda kwaMutare, nguva inotorwa kufamba rwendo urwu inodzika apo panokwira spidhi yemuchovha. Apa tinoti spidhi nenguva yerwendo zvine rupandano rwakakondeka.
- Kana pachisakurwa maricho, nguva inotorwa kusakura munda acre rimwe inodzika kana huwandu hwevanhu vari kushanda maricho huchikwira. Apa zvakare nguva yekusakura nehuwandu hwevanhu zvine rupandano rwakakondeka.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Kana muchovha uchifamba nespidhi yakaenzana, nhambwe yafambwa ine rupandano rwakadondeka nenguva yafambwa.
- Fosi yegunganidzo inobata mutumbi, nehuremu hwemutumbi zvinopandana zvakadondeka.
- X is proportional to Z inoturikirwa ichinzi: X na Y zvine Rupandano rwakadondeka.
- I and R are indirectly proportional inoturikirwa ichinzi: I na R zvine Rupandano rwakakondeka.
- Nokumwe kutaura T is indirectly proportional to S inganzi T na S zvinopandana zvakakondeka.
Mashoko ari pano achada kunhadziridzwa kuti areve zvinodiwa nemazvo.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Mururimi rweLuwanga vanoti okhuyerana (to be equal).