Varemba
Huwandu hwe vanhu
50,000+ (inoestimetwa)
Matunhu ane huwandu ruzhinji
Mitauro
Chidaviro
Syncretic: chiJudha, chiKristu, Iziramu

Varemba (shoko kuti Remba ndere Chishona muZimbabwe uye muChivhenda kuAfurika Chamhembe zvakafanana nekuti Lemba) rudzi rwevanhu vatema vanowanikwa muZimbabwe, Afurika Chamhembe, Malawi ne Mazambuko (Mozambiki). Umbowo hwesainzi pamwe nengano zvoniwirirana kuti madziteteguru avo vaive verudzi rwechiJudha. KuAfurika Chamhembe rudzi urwu runodanwa nezita rokuti Lemba. MuZimbabwe Varemba vanodanwawo kuti Vamwenyi.

Vanhu verudzi rwaVaremba vanotaura mitauro yechiBantu inosanganisira, Chishona, Chivhenda ne Chikalanga. Varemba vane tsika dzavanotevedza nemaitiro eChinamato anotodza kana kufanana nemaitiro echiJudha. Zvisinei kune vamwe vavo nhasi vanotevedza chiKristu vamwe vachitevedza Chisalama. kunyangwe vazhinji vachichengetedza tsika dzinofanana nemaJudha.

Tiri muZimbabwe vaRemba vanowanikwa mumatunhu akasiyana. Mudunhu reMberengwa vanowanikwa vachiera mutupo we zhou vachidanwa kunzi vaShavi kana kuti vana Mavedzenge. KwaGutu (Hwingwiri, Rufurwokuda, Muzungu, Faraoh, Muremba, Mumwenyi, Vasengwesengwe). Buhera, Guruve, Masvingo District (kwaMurinye), Muzarabani nedzimwe nzvimbo vanowanika vachiera mutupo we Zhou kana kuti Mbeva uye vachidanwa kuti vanaMusoni kana kuti vaShavi.


Maita musoni
Muzungu vasingarimi, vasibati nyama
Vanovetera yabva pamoto, vasengwengwe
Varungu vakabva kusina mhezi,
Akagara ngozi,
Maita varemba
Vamwenye
Vauyi vakabva kusina mhezi
Vasingasoni neshinda nhema
Vaera mbeva
Vakashoshonora shono mumwena
Aiwa zvaitwa musoni
Vahaji veshambo chena.

Maita Zhou Maita Hamisi Chirimazhira Vamangandanganda Musoni VamaStaha Mushavi

Zvinofanana nemaJudha nemaArabhu chinjirudza

Tsika dzevaRemba dzinofanana nemaJudah ndidzo dzinotevera:

  • Vanodana Mwari kuti Nwali.
  • Vanotevedza Sabata (Shabbat).
  • Havadyi nyama yenguruve sezvinotaurwa nebhuku remirayiro yavaJudha reTorah. Zvakare vanotevedza kusasanganisa zvikafu kunorambidzwa mutsika dzeKosher dzechiJudha.a
  • Vanotevedza tsika yokudzingiswa kwevarume.
  • VaRemba vanotevedza tsika yokusaroorana nemamwe marudzi.

Mazita emadzinza evaRemba anoda kunofanana neemhuri dzechiArabhu uye dzechiJudha. Muenzaniso ndiwo mazita aya: Rufurwokuda, Hwingwiri, Faraoh, Sadiki, Hasane, Hamisi, Haji, Bakeri, Sharifo naSaidi. Zvakadaro vamwe vavo vanoshandisawo mazita akangofanana nevamwe verudzi rweChiShona.

VaRemba vanozivikanwa vanosanganisira: Fungisai Zvakavapano-Mashavave; Courage Mashavave; Durajadi Simba; Rudo Mathivha;Clarence Tinashe Mashavave; Hamandishe Maramwidze (anomirira Gutu North mudare reParamende); Tinofa Mutevedzi (a demographer,population health specialist, health bio-ethicist and research operations expert); Justice Munamato Mutevedzi (formerly Chief Magistrate of Zimbabwe and currently Judge of the High Court of Zimbabwe), Andrew Mutevedzi (lecturer at Belvedere Teachers' College), Sylvester Hashiti (Advocate of the Superior Courts of Zimbabwe), Justice Foroma (Judge of the High Court of Zimbabwe), Jacob Mutevedzi (Commercial Lawyer and Arbitrator), Takudzwa Mutevedzi (Lawyer specialising in Gas and Mining law; and Environmental, Social and Governance (ESG) issues in investment), Tinomudaishe Chinyoka (Advocate of the Superior Courts of Zimbabwe) and Samuel Ravengai (Professor of African Theatre and Performance). Nevamwewo vanosanganisira Stanley Chinho, Tapiwa Chatora and Willie Mutangadura.

Mitauro ye Chibantu chinjirudza

  • Mururimi rweLuwanga vanoti eshilemba (turban) kureva chiremba.

Mamwe mapeji ekutarisa chinjirudza