Zerere (Ruvara)
Zerere (Nge.: Green) rumbishi, ruvara rwokutanga (primary colour), uye huri pakati peungu nehuroro pane sipekitirumu inoonekwa. Zerere nderimwe ruvara rwokutanga yekuwedzera kana kusanganisa kuti mamawe mavara agadzirwe, pamwe chete netsvuku uye ungu. Nechakakura zvikuru, ruvara rwezerere runowanikwa muzvisikwa zvakadyarwa seKurorofiwu kana Zererefi (chlorophyll), kemikari inoshandiswa nezvidyarwa parukanerujeko (photosynthesis) ne kushandura chiedza chezuva kuita simba remakemikari. Zvisikwa zvakawanda zvino shanduka kutora hyu yezerere yenharaunda sechifukidzo kana kamofuraji (camourflage). Zvicherwa (maminarausi) zvakawanda zvine ruvara rwezerere, kusanganisira iyo emerodhi, inopihwa ruvara rwayo rweshedhi yezerere nerhangi (chromium; chrome) yainayo.
Mune ongororo dzakaitwa muAmerika, Yuropu, uye nyika dzeIsiramu (Islam), zerere ndiro ruvara runowanzo batanidzwa nehunhu, hupenyu, hutano, uhwana, chitubu, tariro, negodo.[1] MuBatanidzo yeYuropu (Europe Union) neAmerika, zerere zvakare dzimwe nguva inosanganisirwa nehuturu uye hutano husina kunaka,[2] asi kuChayina nenzvimbo zhinji dzeEzhiya, masangano ayo akanaka kwazvo, sechiratidzo chekubereka uye mufaro.[1] Nekuda kwekudyidzana kwaro nemasikirwo, ihwo ruvara rwekufamba kwezvakatipoteredza. Mapato ezvematongerwo enyika anotsigira kuchengetedzwa kwezvakatipoteredza uye hutongi hwemagariro vanozvitsanangura pachavo sechikamu chezerere kufamba, vamwe vachizviti mapato ezerere.
Vambo rezitaEdit
EzhiyaEdit
Mune mimwe mitauro, kusanganisira Chichayina chekare, Chitai, Chijapani chekare, neChivhiyetinamu, shoko rimwe rinogona kureva Ungu (bhuruu) kana Zerere.[3]
ChiyinaEdit
Hunhu hweChayina shoko rekuti: 青 rinosheedzwa se:
- qīng MuChimandirini,
- Ao MuChijapani,
- thanh MuChisino-Vhiyetinamu
Shoko iri rine chirevo chinofukidza zvese ungu ne zerere; ungu uye zerere zvakajairwa kutaridzwa mumvuri we "青". Mune mamwe mashoko epanguva ino, ivo 藍 (lán, MuChimandarini) uye 綠 (lǜ, muChimandarini) zvichiteerana.
ChijapaniEdit
Chijapani kana Chijapanisi, chinewo mashoko maviri anonongedzera chaizvo kuruvara rwezerere, 緑 (midori, iro rinotorwa kubva Chijapani chechinyakare chinotsanangura chiito midoru "kuva mumashizha; kukura" zvichireva miti).
Pamusoro pezvo pane shoko rekuti; グリーン (guriin, iro rakatorwa kubva kushoko reChirungu "green"). Nekudaro, kuJapani, kunyangwe marobhoti aine mavara akafanana needzimwe nyika, mwenje wezerere unotsanangurwa uchishandisa izwi rimwe chete seiri aoi zvichireva ungu, nekuti zerere inoonekwa semumvuri we-aoi; Saizvozvowo, zvakasvibirira zvakasiyana zvezvimwe michero nemiriwo senge maapuro ezerere, Shiso zerere (zvinopesana nemaapuro matsvuku uye Shiso tsvuku) zvinotsanangurwa neshoko rekuti aoi.
Asi muChijapani chemazuvano vane mashoko anosiyanisa ungu ne zerere, kunyangwe kana pane Kanji (mhando yemabhii eJapani) inonyorwa ichisanganisa mashoko acho dzimwe nguva.
- aoi (ungu; blue)
- midori (zerere; green)
ChivhiyetinamuEdit
Chivhiyetinamu kana Chivhiyetinamisi chinoshandisa shoko rimwechete kune ese mavara zerere ne ungu:
- xanh,
nemhando dzakasiyana senge
- xanh da trời
Vachireva azhuri (azure), zvichireva. "ungu yedenga",
- lam (ungu), uye lục (zerere; zvakare xanh lá cây, zvichireva kuti; "shizha zerere").
Zvinhu zveZerereEdit
ZvicheroEdit
MavhejiEdit
MaruvaEdit
MhukaEdit
ChiBantuEdit
- MuChitsonga vanoti Ruhlaza vachireva Zerere.
- MuChiswahili vanoti Kinjani vachireva iyo Zerere
- Chixhosa neChizulu Zerere ndi Luhlala
- MuChivhenda mudala zvinoreva kuti Zerere.[4]