Muvara
Muvara (Nge: Colour) kana ruvara zvinodudza kudaira kweziso richipirikira mhando dzechiedza apo richinge ragamuchira chiedza chine urefuwefungo hwakasiyana. Chiedza, chidimbu chenangazira regetsimagineti (electromagnetic spectrum). Chiedza chinowanikwa chiine mhando dzeruvara ese anozivikanwa. Kuwonekwa kunoitwa mavara neziso kunoitika apo chiedza chinowira pachinhu chingava chipfeko kana chii. Ngatimboti chiedza chawira pachiro chitsvuku. Chinoita kuti ziso rizowona ruvara rutsvuku urwu ndechekuti, dzimwe mhando dzemuvara dzinonwira pachipfeko ichi asi chipfeko chinohwitudza ruvara rutsvuku. Nokudaro ziso rinowona ruvara rutsvuku chete.
Zvakanaka kuwonesana kuti chiedza chine hunyambiri; chingawonekwa sesebhe uye chingawonekwa semasaisai.
Sainzi yemavara dzimwe nguva inonzi marhangi (chromatics), pimaruvara (colormetry), kana kungonzi sainzi yemavara. Inosanganisira kufunda kwekuonekwa kwemavara neziso remunhu uye huropi, mabviro erudzi muzvinhu, gorokodzwa ye ruvara muuseza, uye fundoyetsimba yeunye wegetsimagineti (electromagnetic radiation) munzvimbo inoonekwa (ndiko kuti, izvo zvinowanzo kunzi sechiedza chete).[1]
TsananguroEdit
Nangazira yemavara.Edit
Unye we Getsimagineti inoratidzirwa ne uyo urefuwefungo (kana rudido) uye kusimba kwayo. Kana urefuwefungo uri mukati mechiono chinoonekwa (huwandu hwe urefuwefungo unogoka kuonekwa ne vanhu, unogona kubva pa390 nm kusvika 700 nm), inozivikanwa se "chiedza chinooneka".
Ruvara | indavhoro ye urefuwefungo | indavhoro ye rudido | |
---|---|---|---|
Tsvuku | ~ 700–635 nm | ~ 430–480 THz | |
Ranjisi | ~ 635–590 nm | ~ 480–510 THz | |
Huroro | ~ 590–560 nm | ~ 510–540 THz | |
Zerere | ~ 560–520 nm | ~ 540–580 THz | |
Sieni | ~ 520–490 nm | ~ 580–610 THz | |
Ungu | ~ 490–450 nm | ~ 610–670 THz | |
Fuvana | ~ 450–400 nm | ~ 670–750 THz |
Mutsika dzevanhu.Edit
Mutsika dzevanhu venyika dzakasiyana siyana mavara anezvirevo, uye mamiriro akasiyana[2]. Izvi zvinoonekwa mushandosirwo emavara mumanyika, muenzaniso uri wekuti munyika yedu ye Zimbabwe ruvara rutsvuku runoonekwa seruvara reropa neupenyu nerevaya vakashaya. Kunyanya ropa revaya vakafa (vakashaya) munguva yehondo dzeChimurenga (Umvukela)[3][4].
Mavara ekutanga.Edit
Tsvuku, Huroro ne Ungu (kana bhuruu) ndivo mavara anonzi mavara ekutanga. Mavara ekutanga maseti emavara chaiwo kana chiedza chemavara anogona kusanganiswa muhuwandu hwakasiyana kuti abudise (kana kuti asikiswe) mamwe mavara.[5] Nekuda kwekusanganisa mavara maviri akasiyana kana anopfuura maviri, tinokwanisa kusika mavara matsva. Semuenzaniso, kusanganisa tsvuku nechena zvinogadzira kiwani, uye huroro netsvuku inogadzira ranjisi.
Bvute ye ruvaraEdit
Marudzi emavaraEdit
Mabvute e tsvuku | Mabvute e tema | Mabvute e jena | Mabvute e pfumbu | Mabvute e ungu | Mabvute e huroro | Mabvute eRanjisi | Mabvute eZerere | Mabvute eKiwani | Mabvute esieni | Mabvute eMbise | Mabvute eHute
Mavara matemaEdit
Ruvara tema ndiro ruvara wanikwa nekusavapo kana kukwana kwakazara kwechiedza chinoonekwa. Asi mavara matema akati siyanei neruvara tema nekuti anechiedza chinoonekwa, asi chiedza chirimbijana.
Ruvara/bvute | Enzano | Khodhi | Chingezi | vambo rezita |
---|---|---|---|---|
#000100 | vantablack; blackest black | |||
Tematema | #0A0A0A | Jet black | ||
Tema; nhema | #000000 | Black | ||
onishi- | #030104 | onyx black | muchitsonga x ndi sh; shona hayina x. | |
dzvipu | #020403 | obsidian black | ||
vunzvi | #483C41 | Pitch black | ||
dema | #555D50 | ebony black | ||
rasha | #28231D | charcoal black |
Mhando dzeruvara nhema.
Mavara eUnguEdit
Mavara maUngu kana Bhuruu (kubva paChingezi). Ruvara rweungu runodeedza kunzi ruvara tema nekuti bvute rayo harina kuchena sehuroro kana chena.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[7] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Fifu[8] | #000080 | Navy; Dark blue | ||
ultra-andhle
ultra-andye |
#120A8F | Ultramarine
'beyond the sea' |
darika/pfuura (beyond)
ndau ruandhle; ruandye (marine; sea) | |
Ungu ye Ijipita | #1034A6 | egyptian blue | ||
Safira | #0F52BA | Sapphire blue | ||
Indigo | #3F00FF | Indigo | ||
Getsi ungu; etsi | #3137FD | Electric blue | [9] | |
Ungu | #0000FF | Blue | ||
Kobharuti ungu | #0047AB | cobalt blue | ||
Rapisi | #004C94 | lapis/deep blue | ||
Serurani | #2A52BE | cerulean blue | ||
Yazuru | #007FFF | azure | ||
Dengaungu | #87CEEB | Sky blue | ruvara serwedenga | |
Unguchena | #ADD8E6 | light blue | ||
Sieni | #00FFFF | Cyan | ||
Terukosi | #40E0D0 | Turqoise | ||
Tiro | #008080 | Teal | ||
aigesi tiro | #4E6E81 | aegean teal | αἶγες (aîges, “waves”) |
Mabvute emavara maunguEdit
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[7] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Gungwaungu | #4F42B5 | ocean blue | ||
Usikuungu | #191970 | midnight blue | ||
Andleungu
Andyeungu |
Aquamarine | ruandhle + ungu | ||
andle
andye |
aqua | ruandhle |
Mhando dzeruvara rweungu.
Hove yeruvara rwe Etsi (electric blue
Mavara maZerereEdit
Mhando dzeruvara rwe zerere dzinogona kusiyana murhangi ye hyu (hue chroma) zvichireva masimbiro kana mazara kwechiedza, kana kupenya zvinhu zviviri kana zvitatu zvinhu uwu.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi[10] | Vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Zerere | #008000 | Green | ||
Yezha | #228B22 | Forest green | 'of the leaf' -> ye mashizha | |
Emurodhi | #00573D | Emerald green | ||
Yu? | #00A86B | Jade green | yu [chichayina] ok, bichwi [korean], gyoku; hisui [chijapani][11] | |
Laimu | #00FF00 | Lime | ||
Yeruva | #DFFF00 | Chartreuse | ||
Orivhi | #98BF64 | Olive green | ||
mindi | #3EB489 | mint green | ||
chikwindi | #8A9A5B | moss green | ||
feruni | #4F7942 | fern green | ||
seji | #B2AC88 | sage green | ||
zererechena | #90EE90 | light green | ||
zerere ye bhahari | #2E8B57 | sea green |
Mhando dzeruvara rwezerere.
Mavara maHuroroEdit
Mavara ehuroro mavara machena muChishona nekuti mavara akajeka.
Ruvara | Enzano | Khodhi | Chingezi |
---|---|---|---|
Huroro | #FFFF00 | Yellow[12] | |
Ndarama; Goridhe | #FFD700 | Gold | |
Chenero | #FFFFBF | pale/cream yellow | |
tomborwiyo | #FFEFF00 | canary yellow | |
furakisi | #FEDB79 | flaxen yellow | |
ashikari | #FAF0BE | blonde Chiarabhu -> ashqur | |
haridhari | #E1AD01 | mustard (yellow) name origin in Chihebheru/Chiarabhu -> hardal; khardal | |
shora | #FFBF00 | amber | |
safuroni | #F4C430 | saffron yellow | |
puwa | #DFFF00 | chartreuse/greenish-yellow[13] | |
ibve-ibve | #FFFF00 | brigth yellow[14] |
Mhando dzeruvara rwehuroro.
Mavara maMbiseEdit
Mavara mambise anovanzo onekwa pavanhu vaneganda tema.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Mbise | #422A14 | Brown | ||
Chichiri; tsvikiri | #2A0001 | Mahogany | senge mahogany tree, 'muchichiri'[15] | |
Chokoreti | #7B3F00 | Chocolate | ||
Chokoreti tema | #2C1503 | Dark chocolate | ||
Kofi | #6F4E37 | Coffee | ||
Karamero | #C68E17 | Caramel | ||
Ndarira | #CD7F32 | Bronze | ||
umbero | #826644 | umber | ||
taupe | #483C32 | taupe | ||
hezonati | #AE9F80 | hazelnut | ||
fwoni | #E5AA70 | fawn | ||
Mbisana, shava | #C4A484 | light brown | mbise chena (-na) | |
vunde; unde | #D2B48C | tan | bvunde (sorghum) | |
bheiji; bhezhi | #F5F5DC | beige | ||
khakhi | #C3B091 | khaki | ||
sepiya | #704214 | sepia |
Ruvara Mbise.
Makanduru reruvara mbise
Shavishavi reruvara mbise
Munhu ane ganda mbise, shava (precisely, due to red undertones)
Mavara maRanjisiEdit
Shoko rekuti Ranjisi raisavapo muChishona nekuti vanhu vaidana zvese mavara tsvuku nemarinjisi kuti tsvuku (dzvuku) nekuda kwekuti akati fananei, uye anovanikwa panguva imwechete.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu |
---|---|---|---|
Ranjisi | #FFA500 | Orange | |
Nachisi | #F28500 | Tangerine | |
Shora | #FFBF00 | Amber |
Zvisikwa zvineruvara rweranjisi.
Mavara maTsvukuEdit
Mavara matsvuku mavara akutsvukira seropa.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
suso; sutso; tsutso | #FF2400 | Scarlet | 'brilliant, bright, shining' red
seruvara rwe mashizha mumwaka waMatsutso | |
Tsvuku; dzvuku | #FF0000 | Red | ||
Nundu; Shava; Java | #800000 | Maroon | ||
Tsvukupanga | #990000 | Crimson | "desirable red" | |
Ranje | #E34234 | Vermilion | Ruvara ruri pakati petsvuku neranjisi | |
Rhubhi | #E0115F | Ruby | ||
Abhuruni | #A52A2A | Auburn; abron[16] | inosanganisa mbise ne tsvuku | |
Wayini, Mbiringa | #722F37 | Wine red; merlot | wine or vinous (vine); (za)mbiringa[17] | |
Bheriga; Bhegendi | #800020 | Burgundy; bhergh[18] | tsvuku yakasvibira | |
chichiri; tsvikiri | #C04000 | mahogany | senge mahogany tree, 'muchichiri'[15] | |
seresha | #DE3163 | cerise/cherry | kubva kuna cereja cherry muChiputukezi | |
sangiriya | #92000A | sangria | ||
svundu | #A81C07 | rufous | izwi rinobva kuruvara runotaurwa neMakaranga[19] |
Zvinhu zvineruvara tsvuku.
Ruva remoto (flamelily), Ruva renyika yeZimbabwe
Mavara maKiwaniEdit
Mavara maKiwani anogadzirwa nekusanganisa ruvara tsvuku neruvara chena.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Chirevo |
---|---|---|---|---|
Kiwani | #FC0FC0 | Pink | ||
kiwanipanga - | #FF69B4 | Hot pink | 'desired pink' | |
seresha | #DE3163 | Cerise/cherry | red-pink | |
varidha / rhozi | #F59FB7 | Rose |
Zvinhu zvineruvara rwetsvukuchena.
Mavara maHuteEdit
Mavara mahute mavara matsvuki nekuti aripadhuze nekiwani netsvuku, uye mavara anogadzirwa nekusanganisa mavara maUngu nematsvuku.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Chirevo/vambo rezita |
---|---|---|---|---|
Hute | #A32CC4 | Purple | ||
majenda | #A1045A | Magenta | tsvuku ne hute | |
Fufu; Fuvana; nana | #710193 | Violet | kubva kuzita re violet trees mufufu, mupfuvavana[20][21] Chipvufanana; Mufufu; Munyapunyapu; Munyazvirombo; Mutangeni | |
Farata; nukira;
bangwa; ndemengwe |
#E39FF6 | Lavender | kubva kuzita re lavender croton
Gunukira; Mubangwa; Mufandemengwe; Mufarata[22] | |
Bhoni | #9867C5 | Iris | iris reziso rinonzi bhoni/mboni [23] yakapihwa zita nekuda kwe pattern ye ruva ne ziso | |
Siringa | #B65FCF | Lilac | zita uye ruvara rwe maruva e persian lilac tree, Musiringa[24] | |
Punje; jumba; shari | #9966CC | Amethyst | dzinde rine maruva anowanikwa mu purple, amethyst ne lavender, [25] kamupunje; mujumba; mushari |
Mabvute eHute
ruvara/bvute | enzano | khodhi | chingezi | chirevo chezita |
---|---|---|---|---|
Jumba | #DA70D6 | orchid; "amythest orchid" | mhando ye ruvara rwe amethyst,
Tarisai pamusoro mu "chirevo/vambo rezita" | |
Shari | amethyst futi | |||
nukira | #E0B0FF | mauve | lavender, tarisai pamusoro futi | |
ndemengwe; mengwe | lavender futi |
Zvinhu zvineruvara hute.
Mavara maPfumbuEdit
Tarisai futi peji re Mavara ePfumbu
Ruvara pfumbu runowanzo onekwa panguva yekunaya makore paanoshanduka kuita pfumbu.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu |
---|---|---|---|
Pfumbu | #808080 | Grey | |
Pfumbutema | #A9A9A9 | Dark grey | |
Darejena; sirivha | #C0C0C0 | Silver | |
Pfumbu-ungu | #6699CC | Grey blue | |
Rasha | #36454F | Charcoal |
Zvinhu zveruvara pfumbu.
Mufananidzo rweruvara pfumbu
Mavara MachenaEdit
Mavara machena ndiwo mavara ane chiedza chinokwanisa kuoneka, uye mavara akajeka. Mavara ese anosanganiswa neruvara chena anoreuruka kudarika vara rwavo rekutanga.
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu |
---|---|---|---|
Chena
Jena |
#FFFFFF | White | |
Jenero | #FFFDD0 | Cream |
Mhuka chena.
Tsananguro yemavaraEdit
Ruvara | Enzano | Kodhi yemuvara | Chirungu | Tsananguro |
---|---|---|---|---|
Tematema (?) | #0A0A0A | Jet black | ||
Nhema / tema | #000000 | Black | ||
vunzvi | #483C41 | Pitch black | Rinobva kumashoko ekuti: Nhema neTema. | |
Pfumbu / Pfupfu | #808080 | Grey | ||
Rasha | #36454F | Charcoal | Rinoreva kuti charcoal kana coal muChirungu. | |
Pfumbu ungu | #6699CC | Grey blue | Rinosikwa nekubatanidza mavara maviri pfumbu ne ungu. | |
Sirivha, darejena | #C0C0C0 | Silver | Rakabva kushoko reChirungu rekuti silver | |
Mbise | #422A14 | Brown | ||
Shava, mahogeni | #2A0001 | Mahogany | Ruvara ruri brownish-red | |
Chokoreti | #7B3F00 | Chocolate | Rakabva kuChirungu chocolate | |
Chokoreti tema | #2C1503 | Dark chocolate | Rinoreva chokoreti yakasvibira kudarika mbise | |
Kofi | #6F4E37 | Coffee | Rinobva kushoko reChirungu coffee | |
Karamero (?) | #C68E17 | Caramel | Rinobva futi kushoko reChirungu caramel | |
Mbise chena, shava | #B5651D | Light brown | ||
Ndarira | #CD7F32 | Bronze | ||
Tsvukutsvuku (?) | #FF2400 | Scarlet red | Richireva ruvara tsvuku rakajekesa | |
Tsvuku / dzvuku | #FF0000 | Red | ||
Nundu, java | #800000 | Maroon | ||
? | #990000 | Crimson | Hapasati paane shoko rekuti crimson muChishona | |
Rhanje (?) | #E34234 | Vermillion | Rhanje rinobva kuRanjisi, nekuti Vermillion ine ruvara ruri
pakati petsvuku neranjisi. | |
Rhubhi ? | #E0115F | Ruby | Ishoko rinobva kuChirungu ruby | |
? | #A1045A | Magenta | Hapasati paane shoko rekuti magenta | |
Ririki (?) | #B65FCF | Lilac | Hapana shoko | |
? | #E39FF6 | Lavender | Hapana shoko | |
? | #9867C5 | Iris | Hapana shoko | |
Hute | #A32CC4 | Purple | Shoko rinobva kumuchero uneruvara raida kudanwa,
uye rinogona kunzi tsvubvu. | |
Vhiore, fuvana | #710193 | Violet | Rinonbva kuChirungu violet, kubva paruva reChishona | |
Emishesi (?)
Amishesi (?) |
#9966CC | Amethyst | Rinobva kuChirungu amethyst, Chishona hachina Th lan st | |
Ungu nhema | #000080 | Navy | Ungwa rinobva kushoko rekuti gungwa (sea / of the sea).
Ruvara rwegungwa ("the colour of the sea") Ungu tema zvinongoreva kuti ungu yakasvibira | |
? | #120A8F | Ultramarine | ||
Ungu / bhuruu | #0000FF | Blue | Ungu rinobva kugungwa (sea) uye rinobva kumuraraungu
(rainbow), Bhuruu rakabva kuChirungu Blue | |
Etsi (?) | #3137FD | Electric blue | Hapasati paane shoko | |
Ndungu (?) / Indigo | #3F00FF | Indigo | Shoko rakatorwa kuChirungu | |
Safira / Safiri | #0F52BA | Sapphire | ||
ungu ye denga | #87CEEB | Sky blue | Ishoko reinoreva kuti "of the sky", kana "colour of the sky" | |
seyani | #00FFFF | Cyan | Ishoko rinobva kuChirungu cyan | |
Terukosi | #40E0D0 | Turqoise | Ishoko rinobva futi kuChirungu Turqoise | |
Tiro | #008080 | Teal | Rinobva kuChirungu teal | |
Zerere | #008000 | Green | ||
?, yezha? | #228B22 | Forest green | Rinoreva kuti "of the leaves", kana "colour of the leaves" | |
Emurodhi | #00573D | Emerald green | Rinobva kuChirungu emerald | |
Raimu (?) | #00FF00 | Lime | Rinobva wo kuChirungu lime, richireva zerere yakajeka | |
Yeruva? | #DFFF00 | Chartreuse | Ishoko rinoreva kuti "of the flower", richireva ruvara
rwe yellow-green kana chartreuse | |
Orivhi | #98BF64 | Olive | Rinobva kuChirungu Olive | |
Huroro | #FFFF00 | Yellow | ||
? | #FFFCBB | Light yellow | Senge Jenero (cream), asi i-cream-yellow, a light yellow | |
Ndarama / goridhe | #FFFD700 | Gold | ||
Shora | #FFBF00 | Amber | Rinoreva ruvara ruri huroro neranjisi (shining yellow orange) | |
Rhanjisi | #FFA500 | Orange | ||
Nachisi | #F28500 | Tangerine | ||
Serise | #DE3163 | Cerise | Rinobva kushoko reChirungu cerise | |
? | #FF69B4 | Hot pink | Richireva kutsvukirira | |
Kiwani | #FC0FC0 | Pink | Rinobva kuChuma chekiwani (pink / rose coloured beads) | |
varhidhi | #F59FB7 | Rose | Rinobva kuChirungu rose | |
Jenero / Kirimu | #FFFDD0 | Cream | ||
Chena / Jena | #FFFFFF | White |
Mavara echinyakareEdit
Muchiverenga zivai kuti munguva yechinyakare Vatorwa vasati vasvika kuUmambo hweMashona kuti vatengeranise machira, ndarama madhayamondi nezvimwe.[26] Uye mavara ekutanga aionekwa muzvisikwa zvakaita se:
- Miti
- Pasi
- Denga
- Mvura
- Mhuka
- Vanhu (ganda, vhudzi, mazino, ropa, mukati memaoko kana pasi petsoka).
Mamwe mavara aionekwa mudenga muchimiro cheMuraraungu, kana ruvara rwedenga panguva yekuvira kwezuva.
Pakazotanga kutsinhanakana kugovanisana kweMashona neVatorwa machira nezvishongo ndopakazouuya mavara mamwe akasiyana siyana. Kugovanisana kwatanga munguva yeMapungubwe ikaenderera munguva yeHukuru hweDzimbadzamambwe (Great Zimbabwe), ikabva yawanda munguva yeHumambo hwaMutapa (Mutapa empire).
Machira emavara akasiynaEdit
Zvinhu zvakawanikwa pamatongo eGZ[27]Edit
Zvakadaro, mavara akawanda nezvinhu zvakawanda zveChishona zvinitumidzwa nekuda kwechirevo kanachifananidzo chechinhu chacho. Enzano; Ranjisi ne hute ese mavara ari maviri akatumidzwa kuteera michero ane mavara aida kudanwa. Asi, rangarirai kuti mamwe mazita ezvinhu akabva kuChirungu nekuda kwekuti akanga asimo muChishona, kana nekuda kwekuti vanhu vakatanga kudzikisira mutauro wavo wachikudza Chirungu uyezvo mashoko akarasika. Enzano; Vhiore kana Rubhi mashoko akatorwa kuChirungu.
Mamwe mashoko asimo muChishona anotorwa kumimwe mitauro yechiBantu, kunyanya chiNdebele nemimwe mitauro iri muZimbabwe. Enzano; Goridhe (Ndarama) ishoko rakabva kumutauro wechiNguni.
Mavara edenga.Edit
Matumidzo emavaraEdit
- Shava, (deep reddish-brown)
- java, mushava (light brown). Domboshava, javavhu, javangwe, gadzijava.
- Tema, dema, nhema, svipa, svipu, sviba kana dzvipa (Black)
- Hute (Purple)
- Tsvubvu (black-purple fruit)
- Nundu (Maroon)
- Nachisi (deep orange coloured fruit, a tangerine)
- Chuma cheKiwani (pink/rose coloured beads).
- Shora, Mbise (amber, brown).
- Hutsaratsa (check).
- Mbarakate (Small patch of colour on an animal or object).
- Gungwa (ocean, sea, a deep blue coloured body of water)
- Denga (light blue coloured atmosphere)
- Rangi (chrome; chroma; colour, sky, shade, purple, blue, first)
Mamwe mashokoEdit
- Deko renzviru (Dark brown (lit: shell of fruit of Wild Medlar). Ano utema hwedeko renzviru: he is dark brown in colour.
- Chisambi (Red check pattern).
- Manjenjenje Brilliance (loudness) of colours; 2. Bright flames).
Mashoko aya anotaurwa kuKalanga:
Mavara muChiBantuEdit
Mimwe mitauro yeZimbabweEdit
Chindevere | IsiNdebele
MuChindevere shoko rekuti muvara kana ruvara rinonzi umbala. Zvinozivikwa kuti muvara kana ruvara muChishona zvinoreva ruvara rimwe asi kana awanda anonzi mavara. MuChindebele mavara anonzi imibala.
Mazita e mavara muChindebele anodeedzwa sezvakanyorwa pazasi.
- Mnyama = Nhema
- Mhlophe = Chena
- Nsundu / Umdaka = Mbise
- Kubomvu = Tsvuku
- Lithanga = Huroro
- Kuluhlaza = Zerere (inogona kuva Ungu futi)
- Khaki = Kaki
- Lithuli / Okuintwala / Okuyimpunga = grey
- Okiyisibhakabhaka = Radenga / Deungu (sky blue)
- Okulizulu (Bulu) = Ungu (Bhuruu) [28]
Chivhenda | Tshivenda
Chivhenda, mumwe mutauro unotaurwa muNyika yeZimbabwe. MuChivenda shoko rekuti muvara rinonzi muvhala. Mazita e mavara muChivenda akanyorwa pazasi.
- Mutswu = Black
- Mutshena = Chena
- Museṱha = Pfumbu
- Lutombo = Ungu
- Mudala = Zerere
- Ṱaḓa = Huroro
- Swiri = Ranjisi
- Mutswuku = tsvuku
- Meruni = Nundu
- Buraweni = Mbise
- Pinki = Kiwani [29]
Chitswana | Setswana
Chitswana kana Setswana mumwe mutauro pa mitauro 16 inotaurwa muNyika yeZimbabwe. Shoko rekuti mavara muChitswana rinonzi Mabala. Mazita e mavara muChitswana akanyorwa pazasi.
- Bontsho = Nhema
- Bosweu = chena
- Botuba = pfumbu
- Bothokwa/ Borokwa= mbise
- Botala jwa loapi = Ungu
- Seloale / Phepole = Hute
- Bohibitswana / Pinki = Kiwani
- Bohibidu = tsvuku
- Namuni = Ranjisi
- Lephutsi/ Bosetlha / Serolwana = Huroro
- Botala jwa matlhare = Zerere
Chixhosa | IsiXhosaEdit
Mavara muChixhosa anonzi Imibala.
- Mnyama = nhema
- Mhlophe = chena
- Bomvu = tsvuku
- Lubhelu / mthubi = huroror
- Luhlaza = ungu, zerere
- Ntsundu = mbise
- Bomvana / Pinki = Kiwani
- Orenji = Ranjisi
- Ngwevu = Pfumbu
- Mfusa = Hute
- Tyheli = Shora
- Bomvu-gwanqa = Java (auburn; kwete shava (mahoganny))
- Nocwambu = Jenero
- Ngqombela = ? (Chirungu: Crimson)
Chitonga | ChiTongaEdit
Chitonga semimwe 16 mituaro inotaurwa muNyika yeZimbabwe. Mavara muChitonga zvinoreva kuti musyobo.
- Tete / Nyanzabili = zerere
- Mukuba = Ranjisi
- Uusiya = nhema
- Uusalala = tsvuku
- Uutaba = chena
Chitsonga | XitsongaEdit
Muhlovo ishoko remaTsonga rekudeedza iro shoko rinozivikwa neMashona se muvara.
- Basa = chena
- Nkuma = pfumbu
- Ntima = nhema
- Ribungwa = mbise
- Rihlaza = Zerere
- Tshwuka = tsvuku
- Wasi = Ungu
- Xitshopana = huroro [30]
Chichewa | NyanyaEdit
Mu Chichewa shoko rekuti Mitundi zvinoreva kuti Mavara.
- Kuda = Black
- Yera = chena
- Wofiira = tsvuku
- Kamtambo = ungu
- Chikasu = huroro
- Abiriwiri = zerere
- Ndimwi = ranjisi
Mimwe Mitauro yeChiBantuEdit
Mitauro ye dzimwe nyika
- Nyungwe vanoti mtundu (colour) kureva ruvara. Mamwe mazwi: -svipirira (n. green) kureva kusvipirira.
- VaNgala neVaBwisi vanoti langi kana ba langi pakuwanda (colour).
- VaYao vanoti lusamba (green coloured).
- VaLomwe vanoti ekore (n. colour).
- Chewa vanoti lunga (purple).
- VaMambwe vanoti cifungo (violet-coloured).
- Fwe vanoti mu-bara (colour, spot, stripe).
- Takwane vanoti musawo (n. colour) kureva muvara.
- VaZigula vanoti rangi kana marangi (1. colour, 2. paint, 3. coloured inks).
- Zigula vanoti nili (n. blue).
- VaTonga vanoti tete kana nyanzabili (v. green) kureva zerere.
- Venda vanoti vhudala (n. green).
- Lozi vanoti butala kana tala (n. greenness. green colour).
- VaGwere vanoti kitaka (dark brown colour).
Mabviro eruzivo:Edit
- ↑ enwiki: colour
- ↑ Gary Westfahl (2005). The Greenwood Encyclopedia of Science Fiction and Fantasy: Themes, Works, and Wonders. Greenwood Publishing Group. pp. 142–143. ISBN 978-0-313-32951-7.
- ↑ Di Piazza, Francesca (2005). Zimbabwe in Pictures. Twenty-First Century Books. pp. 69–. ISBN 9780822523994.
- ↑ enwiki: Colours and symbolisms Flag of Zimbabwe
- ↑ Bruce MacEvoy. "Do 'Primary' Colors Exist?" (imaginary or imperfect primaries section Archived 2008-07-17 at the Wayback Machine). Handprint. Accessed 10 August 2007.
- ↑ Vashona, 8 Gumiguru 2019, "shades"
- ↑ 7.0 7.1 enwiki: Shades of blue
- ↑ 'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Peji 31. Yakatariswa: 24 Chikumi 2021
- ↑ enwiki: 1.2 Iridescent electric blue Electric blue (colour)
- ↑ enwiki: Shades of green
- ↑ enwiki: Jade
- ↑ Vashona, Chikumi 17 2017, "Huroro" Yakatariswa: 2020-2021
- ↑ Vashona, Chikumi 17 2017, "puwa" Yakatariswa: 2020-2021
- ↑ shona twitter
- ↑ 15.0 15.1 Vashona, 23 Ndira 2019, "muchichiri" Yakatariswa: Chikunguru 2021
- ↑ enwikitionary "auburn"
- ↑ Vashona, 5 Kukadzi 2020, "Muzambiringa" Yakatariswa: Chikumi 2021
- ↑ etymonline.com, "burgundy (n.)" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021
- ↑ shona twitter
- ↑ Vashona, 24 Ndira 2019, "mufufu" Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Zimbabweflora, Securidaca longepedunculata Fresen. Violet trees. Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ l"Lavender croton" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Vashona, 11 Gumiguru 2019, "iris" Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Vashona, 30 Chikunguru 2015,hPersian lilac tree" Yakatariswa: 18 Nyamavhuvhu 2021ttps://vashona.com/en/dictionary/en/Persian%20lilac%20tree
- ↑ Vashona, 27 Mbudzi 2019, hkamupunje"ttps://vashona.com/en/dictionary/sn/kamupunje Yakatariswa: Nyamavhuvhu 2021
- ↑ Ann Hills, 8 August 1988, Great Zimbabwe trading history
- ↑ Chirikure S., Moultrie T., Bandama F., Dandara C. & Manyaga M., June 2017, What was the population of Great Zimbabwe (CE1000-1800)?
- ↑ Davies, Ian & Davies, Christine & Corbett, Greville. (1994). 'The basic colour terms of Ndebele'Journal of African Journal Cultural Studies. 7. 36-48. 10.1080/09544169408717774.
- ↑ smlwardafterall, n.d., 'Colours',Intro to Tshivenda, Memrise Level 11
- ↑ Xitsonga.org, d.a, 'colours',dictionary.