Bhuku (Chirungu: book) kana Nwadhi[1] uye N'wadhi[1] chinyorwa chakabatanidzwa mapepa kuva bumbiro rimwe ringava nenyaya imwe kana nyaya dzakawanda.

Nwadhi (rinoreva kuti book muChirungu; letter (tsamba); piece of paper (bepa))

Bhuku rinonyanya kudhindiswa Pasirose ndiro bhaibheri.

Vambo rezita chinjirudza

Shoko rekuti 'Bhuku' rakabva kuChirungu asi Nwadhi; N'wadhi ishoko reChishona muchinyakare rinowaninkwa muDuramahwi rakanyorwa mu 1932.[1]

Zvakadaro, Shoko rekuti Nwadhi; N'wadhi rinowanikwa muBhaibheri richishandiswa pamusoro peshoko rekuti tsamba. Izvi zvinogona kunge zvakadai nekuda kwekuti muchinyakare cheVashona kunyora kwaveko, uyekutara (draw) nekuvara (colour) zvinhu. Izvi zvinowanikwa pamatombo akamarwa marwa nekunyorwa nyorwa nedhayi neVashona sezvaiitwa neMakhoisan. Asi manwadhi aisavapo nekuda kwekuti Vanhu vaisamanyora, ndoosaka pakazouya Varungu vanhu vakatanga kushandisa shoko ravo, uye shoko rekuti Nwadhi raimirira mashoko akawanda. Tsika iyi yakawanda muChivanhu yekushandisa shoko rimwe kuzvinhu zvakafanana; kana zvinogova chirevo.

Shoko rekuti Nwadhi.

Esiteri 9:26 SNA2002[2]

Naizvozvo vakatumidza zita ramazuva iwayo Purimi nezita rePuri. Zvino nokuda kwamashoko ose e’nwadhi iyo, nezvavakaona pamusoro pechinhu icho, nezvavakaitirwa.


Shoko rekuti Tsamba.

VAKOROSE 4:16 (SNA2002)[3]

Kana tsamba iyi yarawa pakati penyu, ngairawewo musangano ravaRaodhikia; imiwo murave tsamba inobva Raodhikia.


Shoko rekuti N'wadhi.

Nehemiya 6:17 SNA2002

Uye, namazuva iwayo vakuru vavaJudha vakatumawo n’wadhi zhinji kuna Tobhia, uye n’wadhi dzaTobhia dzakasvikawo kwavari.

Mashoko ese matatu anoshandisirwa kumirira tsamba, asi mazuvano shoko rekuti tsamba ndiro rinomirira letter uye nwadhi robva ramirira book kana novel. Asi zvakanaka kuziva kuti pakazhinji vanhu vachiri kushanidsa nwadhi vachireva tsamba asi pakati pemashoko aya shoko rekuti tsamba rinoshandiswa kudarika nwadhi.

Tsika chinjirudza

Nzvimbo inochengeta mabhuku nemamwe magwaro ichikweretesa kuvanhu vachizodzora inonzi guvamagwaro.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kutsinamira kana kutsikitsira (pore over a book).
  • Nwadhi kana N'wadhi[1]
  • Gwaro
  • Kunwara ishoko rinoreva kunyora, richienderana neNwadhi. Sezvinoita Munyori neKunyora kana Kunyora neChinyorwa.[1]
  • Kugwara shoko iri rakafanana neKunwara, zvese zvichireva kunyora.
  • Rugwaro[1]

ChiBantu chinjirudza

Chiswahili

Shoko rekuti Kitabu rinobva kuChiarabhu كتاب, (kitabun) Shoko rechiBantu rinogona kuva Nwadi nekuti rinoreva zvimwechete muChiswahili. Shoko reChiswahili Nwadi rakafanana neshoko reChishona rekuti Nwadhi uye N'wadhi.

Chixhosa neChizulu

  • Incwadi

Chindebele chinogona chichishandisa shoko rimwe, uye rakafana neshoko reChishona rekuti Nwadhi; N'wadhi (book; letter; piece of paper)[1]

Chinyarwanda

Shoko reVanyarwanda rakafanana neKitabu shoko reVaswahili.

Chiswati

Shoko reVaswati rakafanana neshoko reChishona, Chizulu neChixhosa (pamwe Chindebele futi)

Chitswana

  • Buka

Buka ishoko reChirungu.

Chingala

Chingala chinoshandisa shoko reChirungu zvakare; asi rinogona kuva neshoko rakafanana nemimwe mitauro yekuKongo.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. 1.0 1.1 1.2 1.3 1.4 1.5 1.6 Fortune G., Bertham H. & Barnes C.R. (1932.)'A vocabulary of the dialects of Mashonaland in the new orthography' Ex Libris. George Fortune collection., The Sheldon Press, London. peji 97. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021 "ŋwadi (ya, dza), n., for.; a book, letter; piece of paper. see buku (ra, a)." Munguva yakanyorwa duramahwi iri Chishona chaive nemabhii akasiyana kunyanya emabhi aive 'implosive'.
  2. (1942), 'Esiteri 9:26 SNA2002' Bhaibheri. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  3. 'VAKOROSE 4:16 (SNA2002)' Bhaiberi. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  4. Chiswahili wiki, (13 Nyamavhuvhu 2019) 'Kitabu' Nwadhi. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  5. Chinyarwandan wiki, (5 Zvita 2021) 'Igitabo' Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  6. Chiswati wiki, (7 iNdlovu 2013)'Íncwadzí' nwadhi. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021
  7. Chingala Wikipidhiya, (1 Chivabvu 2013)'Búku' Nwadhi. Yakatariswa: 21 Chikumi 2021