Chikuvamagwaro

(runangakatsva kubva kuChikuvamabhuku)

Shoko rokuti chikuvamagwaro kana kuti chikuvamabhuku (Library in English) riri kushandiswa pano kuturikira imba inowunganidzwa mhando dzakasiyana dzemagwaro, vanhu veruwa vachizopota vachikwereta vachizodzosa. Mhando dzemagwaro dzinochengetwa muchikuvamagwaro dzinosanganisira: mabhuku; mapepanhau; magazini; mimhanzi nezvimwewo. Zvikuvamagwaro zvinowanikwa munzvimbo dzinoti: zvikoro; mahofisi; dzimba; uye mumaruwa. Nokumwe kutaura tinokwanisa kuturikira shoko rokuti library tichiti bangiramagwaro, apa kureva nzvimbo inochengetwa magwaro.

Chikuvamagwaro cheruwa kuEthiopia

Kupiwa kwezita chinjirudza

Kumutauro weFrench chikuvamagwaro chinonzi bibliothèque iri izwi richiumbwa nezvikamu zviviri zvinoti biblio kureva bhuku uye -thèque kureva collection kana kuti zvakakuviwa.

Shoko rokuti kukuva rinoreva kuunganidza zvinhu uchichengeta kuita iya inonzi collection. Shoko rokuti kukuva rinowanikwa richishandiswa nenzira dzakatsaukana mumazita emhuri anotevera: Makuvatsine; Chikuvanyanga; Makuva; Guvamatanga; Guvamombe; Kaguvi; Makuvire zvichingodaro. Mazita aya angadudzirwa sezvinotevera:

  • Chikuvanyanga - munhu anounganidza nyanga.
  • Guvamatanga, Guvamombe - vanounganidza matanga emombe kana kuti mombe zhinji.


Mamwe mazwi anotodzana nezwi iri ndiwo anoti: guvi; huva; chikuva zvichingodaro.


Kurerutsa Mutauro chinjirudza

Tichitevedza mashoko iwaya tinokwanisa kuturikirazve tichiti:

Chikumbiro kuti musadzime zvanyorwa pano musina kuedzawo kupa zita riri nani rine tsananguro yekuti masvika sei pariri. Mukutaura kwamazuva ose tinodudza tichiti Raibhurari izvi zviri zvitsvene pakuti tinoziva chiri kurehwa - asi pano tiri kuedza kuwumba mutauro weChiShona tichishandisa mashoko eChiShona chega. Zvinodaro kuti mungada kunatsa mashoko ari pano kuti anatse kupindirana nemipanda yemutauro weChiShona, zvichinge zvakadaro zvinokudzwa.