Chisipiti

Muchidzidzo chetaranyika, chisipiti kana chinyuka (spring - permanent) zvinoreva panzvimbo panobuda mvura ichitubuka yega kubva pasi. Kana chisipiti chichibuda kubva pasi pedombo chinonzi dombore.

Uracher Wasserfall Quellgebiet 01.jpg

Panonaya mvura, imwe mvura inosinina ichipinda pasi pevhu. Yave pasi, mvura iyi inotevedza pane ivhu kana mhande yematombo anobvinina (layer of permeable soil or rock). Mvura iyi inokwezvewa kuenda kunzvimbo dziri pakaderera kuburikidza negunganidzo re Earth. Nokuda kwegunganidzo, mvura yemuvhu inoda kuwungana ichigadzikana pasi ipapo kudzamara pamusoro payo pave muchechetere. Iwoyu muchechetere wemvura unodanwa kunzi tafura yemvura - water table kuEnglish.

Imwe nguva mhande chematombo anobvinina chinosvika pachinobudikira pachinosangana nepane nhika pauso hwenyika. Ipapo kana tafura yemvura iri pakakwirira kudarika nhika iyi, mvura inotubuka kubuda muchiwarikwa chematombo ichizoonekwa sechisipiti.

Mune dzimwe nzvimbo mvura iyoyi inokwanisa kunge yayerera ichibatana nemuzera wedombo rinopisa zvokuti inotubuka panyika yave kudziya kuita chisipiti chinopisa - Hot springs.

Mamwe MazwiEdit

  • Chitubu - (eye of spring, source).
  • ChiNdau vanoti chinyuka, chinyuko kana zvinyuka (a spring of water) apa kureva chisipiti.
  • Dombore (Spring emerging from under a rock) chisipiti chinobva pasi pedombo.
  • Mbiruviru (Seasonal or permanent spring of water) apa kureva chitubu chinobvinina mvura gore rose kana nemwaka mumwe.
  • Chinyamudubwi (Seasonal spring of water) kureva chitubu chinotubuka nemimwe mwaka yegore.
  • Kuveruka (flowing, running as of river water?).

Kurerutsa MutauroEdit

  • Psalm 11:8 Uwo wakapindura buwe rikaita dziva remvura, nebuwe rakakonza kuriita chinyuka chemvura. (kubva muBhaibheri reChiNdau).
  • Asi varanda vaIsaka vakatsa mubani, vakaonapo chinyuka chemvura chinoveruka mvura: Isaac's servants dug in the vadi and uncovered a spring of running water. (Genesis 26:19, Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeBantuEdit

  • VaRundi vanoti isoko (fountain, spring) kureva chisipiti. VaNande vanoti engu̧nu̧nú̧ko (n. spring) kureva chisipiti. VaDigo vanoti chandzo (beginning; source).
  • MaZulu vanoti umthombo (Spring of water; source, fountain) kureva chisipiti. Swahili vanoti chanzo (start, beginning; source; basis, foundation; cause).
  • Chewa neVaYao vanoti kupita (to go, to pass by, to go away). Zigula vanoti kupita (to depart; to go). Zigula vanoti soko (n. a spring fountain).
  • Herero vanoti pita (v. go or come out, spring out, come or go forth, rise out, pass outward) kureva kubuda. Herero vanoti pitisa (cause to go out) kureva kuburitsa.
  • Fijian vanoti tubu (to spring up, increase, grow). Tongan vanoti tubu (to spring up, to grow; to arise from). VaSango vanoti yäsä (n. spring) kureva chitubu.