Mbune

(Redirected from Chomene)

Shoko rokuti mbune (Self, own) rinoreva iye munhu pachake. Shoko rokuti ndomene rinoshandiswa futi richiturikirwa kunzi personally kuEnglish.

Mambune (purposely, deliberately).

TsikaEdit

  • Musiki iye mbune akava munhu: apa kureva the Creator Himself became a man.
  • Handisi kutaura zvekuunzwa nemumwe munhu, ndakazviona mbune nemaziso angu aya.
  • Kana kuri kutaurwa mumwe munhu, shoko rokuti omene ndiro rinoshandiswa, sokuti:
  • Chisikana chaenda chomene: the little girl herself went.
  • Mukomana aenda omene: the boy himself went.

Mamwe MazwiEdit

TsumoEdit

  • Zvamina hazvina mafi. My own affairs cause no grudge.
  • Ndomene haichemedzi. What you do on your own does not make you cry.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaTumbuka vanoti chomene (very much).
  • VaLuganda vanoti moyo (self).
  • VaSwahili vanoti uzima (1. life, vitality; health, vigor, energy; 2. full development; 3. maturity; adulthood; 4. completeness, perfection).
  • VaSwahili vanoti uzima (existence, reality).
  • VaSwahili vanoti uzima wote (1. rare lifetime; one's entire lifetime).
  • VaTonga vanoti ndemwini (I myself) vachireva ndomene. Vanobva vati mwini (himself).
  • VaKabwa vanoti omwene (himself; herself).
  • VaZigula vanoti emwenye (himself; herself).
  • VaKabwa vanoti enye, chenye, dyenye, henye, kenye, kwenye, mwenye, venye, wenye, yenye, zenye (1. self; 2. selves).
  • VaMambwe vanoti mweneco (himself, herself).