Matanda Anovakiswa
(runangakatsva kubva kuDziro)
Chinyorwa chino chinounganidza mazita ematanda anoshandiswa kuvaka.
- Banda kana mutomba (1. one of three stout poles that support roof of hut; 2. principal roof supoort pole; 3. centre pole of hut holding roof) apa kureva bango gobvu rakamira rinotakura denga remba. Pahuwandu toti mapanda.
- Chanja (Temporary cross-beam providing support for those erecting roof). Chanja zvinoreva bango rinochinjikwa pamusoro pechengu rinoshandiswa neavo vanenge vachiturika denga remba kuti vamire pamusoro paro. Bango iri rinokwanisa kuzobviswa kana kuturikwa kwedenga kwapera.
- Chanzi (Temporary cross-beam providing support for those erecting roof of round house). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Machanzi?
- Dziro kana musvorwe (pole). Pahuwandu kwonzi madziro. Izwi iri rinotaurwa kuChiNdau.
- Nhungo kana mharuparu (rafter; strut; one of the sloping members in frame of roof).
- Mbariro (purlin)
- Biyo kana mutandariko (pole used to put across gateway or doorway) ibango rinochinjikwa pagedhi kana musuwo senzira yekudzivira.
- Bina kana mhina (1. Principal roof pole).
- Mbwa, mharuparu kana bina (One of the four initial heavier roof poles in conical roof carpentered to interlock with the other three).
- Bango (wall pole) danda remuti rinoshandiswa kuvaka madziro emba.
- Hwere ( pole used, with others, to close entry to cattle kraal) apa kureva mapango anoshandiswa kuvhara danga remombe anenge akachinjika.
- Mbiru (forked pole used as an upright e.g. to support platform) ibango rine mhanda rinoshandiswa kutsigira huremu hwechivakwa pamhanda yaro.
- Mutumbu (house poles planted but not yet plastered).
- Gundumbwiri, magundumbwiri kana musimboti (Temporary centre pole used to support a conical roof during its construction) ibango rinoshandiswa kutsigira denga remba richivamba kuturikwa richizobviswa kana denga rapera kuturikwa.
- Chitanhuriro (1. Prop taking vertical pressure, 2. Jack). Kutanhura (to prop)
- Dimbwi, madimbwi, darauswa kana davamvura (Final and lowest purlin of roof of round house) apa kureva mbariro yekugumisa iri zasi-zasi.
- Migogo (bars on gate or door).
- Rumha ( thin pole to anchor hunting net).
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Kusunamisa kana kushunamisa (place upside down - of pole or other solid object).
- Janjari kana majanjari pakuwanda (1. Unevenness presented by ends of poles of unequal length in a wall. 2. Person with protruding teeth).
- Janjaridza (1. Make to project upwards. Stand up. 2. Put in wrong place and so make dangerous). Ndiani akajanjaridza badza pachivanze panotamba vana who left a hoe standing upright in the yard where the children play?
- Kujanjarika (1. Project upwards, 2. Stand up object that falls unless supported).
Tsumo
chinjirudza- Pabva bango pasekesa. Where a pole has been removed there is an opening.
- Dzaiva nhungo, dzave mbariro.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Maconde vanoti chipanda (pillar); Vashona vanoti banda. Giryama vanoti muchinjiko (beam).
- VaGwere vanoti mpango (n. pillar, centre pole, central post placed in the middle of a house to support the roof) kureva bango.
- VaKongo vanoti bangula (v. to take to pieces, pull down, destroy, demolish, lay open, make plain, clear, disclose, divulge as a secret).
- Baila vanoti izhilo kana mazhilo (pole planted upright in building of a house) kureva madziro.
- VaKongo vanoti banga kana kibanga (v. plank house). Mamwe Mazwi: banguka (v. to be broken down, taken to pieces, demolished, laid open, made plain, clear, disclosed, divulged as a secret).