Dziva reMvura

(runangakatsva kubva kuDziva remvura)

Dziva kana gangwa inzvimbo parwizi ine mvura yakadzika kudarika dzimwe nzvimbo dziri parwizi urwu. Kana rwizi rwasvika pane dziva mvura inoyerera zvishoma kana zvichienzniswa nekumhanya kwemvura pane dzimwe nzvimbo parwizi urwu dzisina dziva. Dziva rinowanikwa panzvimbo yakadzikira pane nhika pokuti mvura inokwanisa kuwunganapo.

Dziva idiki zvakanyanyisa pane nyanza dzakaita seNyanza Malawi kana Nyanza Tanganyika.

Zvinogara muDziva chinjirudza

Chikamu cherwizi chine dziva chinokwezva mhuka dzingadaro dzichinetseka nokugara pane mvura inomhanya zvakanyanya pakuyerera, kana kuti kugara pane mvura inodziya zvakanyanya pane mimwe mwaka. Madziva anokosha zvakare paugaro hwehove diki, zvikurusei kana dzimwe nzizi dzichinyanya kudziya munguva yechirimo uye dzisina mvura inoyerera yakawanda.

  • Rwizi rwakazarisa, mvura yakadzamba nhivi dzose: the river was in flood, the water flooded both banks.

Tsumo chinjirudza

  • Aiva madziva abe mazambuko.
  • Chidziva mudingwi ndicho chinogara ngwena. It is in the silent pool that crocodiles live.
  • Chidziva chakadzikama ndicho chinogara ngwena. It is in the quiet pool that crocodiles live.
  • Pachapwa madziva miramba tichanyurura. When pools dry up, we shall catch barbel.
  • Pachapwa madziva mahono tichanyukura. When pools dry up, we will catch big fish.

Mitauro yeBantu chinjirudza