Fodya
Fodya (tobacco) idzinde rinorimwa rinokura mashizha mahombe anokohwehwa achinotengeswa. Fodya inoshandiswa kugadzira mudzanga unoputwa nevanoputa. Imwe fodya inoshandiswa kugadzira mishonga yakasiyanasiyana inokororwa kubva mushizha refodya.
- Izwi rokuti fodya rinobva kuPortuguese inoti folha kureva shizha.
MuZimbabwe fodya chirimwa chinounza mari yakawanda yekunze kwenyika; fodya yemuZimbabwe inotengeswa kuAsia, Europe neNorth America.
Chigusvani kana chitsitsi zvinoreva icho chinosarira kana mudzanga wefodya wapera kuputwa, watsva pose pane shizha refodya.
- Muputa kana muzama (roll of tobbaco).
- Nhemba (a palmful of tobacco or snuff) rwanza rwefodya.
- Mutyaba (ash of banana skins used as ingridient in snuff) apa kureva dota remakanda ebhanana raishandiswa richisanganiswa nefodya yemumhuno.
- Nyere yefodya, chibako, chingwarara (snuff box).
- Rutanga, rutana, mushanga, mutanga (long snuff box).
- Shindi kana rushindi (tuft of hair of animal used as snuff-box),
- Chikwarimba (tobacco plant; any loose tobacco) apa zvichireva dzinde refodya ringava dzinde richakamira kana mashidza atotanhwa.
Zvirevo
chinjirudza- Akazvionera pamhuno sefodya.
- Nhamo inenge yefodya inoti uku yakarumwa uku inotsva.
- korokoto (ideo of Causing, or feeling, sense of relief). Anonzwa kuti korokoto kana achangofemba fodya: he has a sense of relief as soon as he has taken a pinch of snuff. Izwi iri rinokwanisa kuturikira vhinonzi feeling high zvakanangana nezvinodhaka - narcotic drugs'.
- Fodya haina manenji semhamba. Tobacco causes no fights like beer.
- Gapakapa ndere fodya remhudzi rinokura nokusakurirwa. A tobacco crop grows freely but pumpkins grow because of cultivation.
- Fodya haina shura sedoro. (Snuff) tobacco creates no grudge like beer.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Kukorokota kana kukorokoda (Scrape inside of a container by means of a probe). Nhekwe yapera fodya, itokorokota nekamuti kwazvo kumativi ose: the snuffbox is empty, use a stick to scrape the sides carefully.
Mazwi eBantu
chinjirudza- VaTonga vanoti podya (n. tobacco) kureva fodya. VaLozi vanoti kwai kana likwai (n. tobacco, snuff, cigarette) kureva fodya.
- Chopi vanoti kuputa (n. roll up) kureva kumonera. Chuabo vanoti fola (n. tobacco) kureva fodya.
- VaTonga vanoti syuta (n. to bite) kureva kuruma. Fananidzai nokuti kusvuta fodya.
- Mang'anja vanoti ntekwe (n. snuffbox) kureva nhekwe. Basotho vanoti koae (n. tobacco, snuff, cigarette) kureva fodya.