Kukorora

(runangakatsva kubva kuGoho)

Kukorora (ku Chingezi: reaping or harvesting) kana kukohwa pakurima mbesa ishoko rinoreva mabasa anoitwa kana zvirimwa zvaibva (kana kusvika) apo zvinobviswa mumunda.

  • Kana chiri chibage kukohwa kunosanganisira kutema magunje, kutyora miguru kubva pagunje, kufurura nokutakura chibage chichitsvetwa mumatara.
Vanhu vachi korora bundo ye bhahari mu Musha weJambiani, Unguja, Tanzania
Varimi vachi korora mahobho muZimbabwe
  • Mabasa ekukohwa donje anosanganisira kupunda mabhora eshinda yacho kubva padzinde, kupatsanura donje kubva kutsvina, nokututira donje mubhero.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaMambwe -kola (to gather together) kureva kuunganidza. VaChewa vanoti kukorora (to harvest) kureva kukohwa, zvikurusei kukohwa chibage.
  • VaChewa vanoti mbvuno (n. harvest) kureva goho. VaSwahili vanoti kivuno (harvest, yield, gain, profit ) kureva goho.
  • MaZulu vanoti vuna (Reap, harvest, gather crops) vachireva kukohwa. VaZigula vanoti mavuno (harvest) kureva goho.
  • VaLungu vanoti ukukowa (to pull, to cling to) kureva kudhonza?.
  • VaBemba vanoti kusepa (v. to harvest) kureva kukohwa. VaTiriki vanoti khuchesa (to harvest) vachireva kukohwa.

Mamwe mapeji ekutarisa

chinjirudza