Hunene
(runangakatsva kubva kuHuhombe)
Muchidzidzo chemasvomhu, hunene, huhombe kana hukuru (Magnitude) izwi rinotaura kukura kwakaita nhamba zvisinei kuti ine vara (-) kana (+) pamberi payo.
- Izwi rokuti chidumbuzenene rinoreva dumbu hombe.
Kujekesa
chinjirudza- Somuenzaniso, -50 ine huhombe hwakaenzana na +50, nyangwe zvavo nhamba mbiri idzi dzakasiyana pahukuru hwadzo; +50 yakawanda pane -50.
- Kana pachitaurwa zvemari munhu ane $50 ane mari yakawanda pane ane -$50. Munhu ane -$50 anenge atove nechikwereti.
- Hujoto +50oCelsius huri pamusoro pehujoto -50oCelsius.
Tsika
chinjirudzaPakutaura kwamauvaose kwechimanje-manje shoko rokuti hombe rinosishandiswa sezvizvi:
- Haa mfana uya ndamu bigga muhombe - apa zvichireva kuti nyangwe ari mfana anokwanisa kuita zvinhu zvikuru, kana kuti mukuru panyembe dzekubasa.
- Sahwira muri vahombe - kureva zvakare kugona kuita zvikuru.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- Kikongo neUmbundu vanoti nene (large). Kinande vanoti erineneha (v. get bigger, grow stronger). Kimbundu vanoti unene (n. majesty).
- Luganda inoti obunene (size, thickness) kureva saizi kana hukobvu. VaGanda vanoti ekinene (large).
- Lenje vanoti wunene (large, big, great; thick; bulky; stout; old, elderly) kureva hukuru. Iton vanoti e-neni (fatness, obesity, largeness).
- VaKikuyu vanoti onene (magnitude) vachireva hupamhi. VaHerero vanoti tyinene (extremely; greatly; very much).
- Lingala inoti monene (large). Mamwe mazwi: neno (much). Chuabo inoti omwene (supremacy) kureva hukuru.