Kugara Nhaka
Nhaka (legacy, inheritance) zvinoreva pfuma inogachidzwa ichibva kuvabereki kana madzitateguru kuenda kuvana avo. Iyi ingava pfuma yezvipfuyo, nhumbi kana midziyo uye inogona kuvawo pfuma yeruzivo, tsika, zvirevo nemashoko anovaka rudzi mune zvakanaka.
Rifa kana ifa (inheritance - generally of perishable items not cattle) zvichireva nhaka yezvinhu zvinosakara zvakadai sembatya kana midziyo.
TsumoChinjirudza
- Nhaka mbuya ndeye mombe; yemunhu inozvionera.
- Nhaka dzinoguranwa musi wenyatwa. Inheritance is withdrawn on the day of trouble.
Mamwe MazwiChinjirudza
- Mugari weNhaka, magaranhaka, mudyi wenhaka, mwanazari kana sazita (heir).
- Matata (personal belongings of deceased person).
Mitauro yeBantuChinjirudza
- Nyungwe inoti nthaka (n. inheritance) kureva nhaka. Mambwe inoti ndalilo (n. inheritance, heritage) kureva nhaka. Venda inoti thaka (n. wealth).
- MaZulu vanoti ilifa kana amafa (n. inheritance; Property of deceased; estate) kureva nhaka. Mamwe mazwe: indhlalifa (inheritor) kureva mudyi wenhaka.
- Luganda inoti takata kana taka (die, pass away) kureva kufa. Mambwe inoti ntaka (of value, of good quality, etc). VaGulu vanoti muhala (n. heir).
- VaLozi vanoti mucalifa (n. heir, heiress, inheritor) kureva mudyarifa. Mamwe mazwi: sanda kana lianda (n. inheritance). Kucasanda (inherit). Mucali kureva mudyari.
- Zigula vanoti kupala (inherit, to inherit) - kugara nhaka. Mamwe mazwi: kudahalwa (to be inherited). Matata (a tangle, embroillement, annoyance).
- Lenje inoti piana (inherit, succeed to a deceased's property) kureva kugara nhaka. Mamwe mazwi: chipiano kana chikono (inheritance) kureva chenhaka.