Kukomberedza

(runangakatsva kubva kuKukombwa)

Kukomberedza kana kupoteredza (to surround, encompass) zvinotaurwa kana chinhu chakapoteredzwa nezvimwe kumativi ose. Sokuti musha unokwanisa kunge wakakomberedzwa neruzhowa kana mupanda. Shoko iri rinokwanisa kuzoshandiswa kuturikira shoko rokuti ambient kuEnglish rinoreva zvakakomberedza.

Mamwe Mazwi chinjirudza

  • Kukomba, kukombera, kupoteredza, kucheketera kana kuchekeredza (surround).
  • Kukomberera iri shoko rinotaura kufamba nenzira yekupoterera chinhu chiri kurehwa.
  • Kukombwa, kukombera (beseige)
  • Kukuta (surround) zvichireva kukomberedza kana kuita gute. Ndakaona baba vakakutwa navana vavo: I saw the father surrounded by his children.
  • Gute (Act of surrounding, encircling) - apa kureva kukomberedza chinhu kana munhu.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Vanhu vainge vakaita gute vachionekana naye: the people crowded round him to say farewell.

Nyaudzosingwi chinjirudza

  • kokwe (ideo of 1. Surrounding or being surrounded, 2. of co-operating).
  • Vakomana vakati sadza kokwe: the boys sat round the food.
  • Vakamuti kokwe: they ganged up on him.
  • Vakati kokwe pabasa: they helped together at the work.
  • Kune dunhu reZimbabwe rinonzi Gokwe.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Chewa inoti kukutisa (trans. To enclose, to encircle, hem in). VaChewa neSwahili vanoti mkutano (a meeting) kureva kukomberedza.
  • VaKongo vanoti kuta (v.i. to assemble, gather together, collect together - of people only) kureva kuungana. VaKongo vanoti kutakana (v.t. to assemble together, to cluster) kureva kuunganidza.
  • Kinyarwanda inoti guterana (v.i. to come together; to gather together; to meet) vachireva kuungana kana kusangana. VaRwanda vanoti guteranya (v.t. to gather together) kureva kuunganidza.
  • MaZulu vanoti koka (v. encircle, surround). Mamwe mazwi: isikokela (n. 1. Place surrounded by· a wall or fence. 2. Company).
  • Kutuk inoti longga (v. to surround; to encircle; to go around) kureva kukomberedza. Mamwe mazwi: gom (v. to surround; to encompass).