Kunyorova
Shoko rokuti kunyorova rinotaura chinhu chinofanirwa kunge chakaoma asi chava nemvura kana mumwe mutuvi. Mbatya dzikange dzayanikwa pazuva dzinowoma asi kana mvura iri padziri isati yapera dzinonzi dzakanyorova.
Mamwe Mazwi
chinjirudza- Kana mbatya dzakaita kuzara nemvura dzinonzi dzakatota, kuny'ata kana kuchakwata.
- Mvura iri pachiro inonzi hunyoro - moisture kuChirungu.
- Mvura iri mumhepo inonzi munyonhi.
- ... asi mhute yakapwititika kubva panyika, ikanyakatisa padera pemavhu eshe: but a mist went up from the earth and watered the whole face of the ground (Genesis 2:6 Bhaibheri reChiNdau).
Mitauro ye Afrika
chinjirudza- VaTonga vanoti kuteta (become soft, become wet) vachireva kupfava. VaTonga vanoti kuteta (become wet) vachireva kutota.
- VaTonga vanoti tete (adj. damp, moist) vachireva kutota kana kunyorova. VaTonga vanoti tete (adj. fresh, green) kureva chinyoro kana munyoro?.
- VaSwahili neVaZigula vanoti kutota (to be soaked, to get wet) vachireva kutota. Zigula vanoti kutota (v. to get wet) kureva kutota.
- Dinka vanoti nyaŋ (v. moisten the hands (with water or saliva).) vachireva kunyorovesa mawoko nemvura kana mate.
- Chewa inoti mtota (a wet place in the ground) inzvimbo yakatota. Kirundi inoti gutota (to be saturated wet) kureva kutota.