Zita
(Redirected from Kutumidza zita)
Zita (name) izwi rinodudza kuti nzvimbo, munhu, kana chinhu chinonzi ani.
Zina (Name) apa kureva zita kururimi rweChiNdau.
Mazita evanhu nemazita emhuri muZimbabwe anowanikwa pazvinyorwa zvinoti: Mazita emhuri naMazita eChishona.
Mitauro yeBantuEdit
- MaXhosa vanoti igama (name) kureva zita. VaRwanda vanoti izina (name) kureva zita.
- VaLomwe vanoti nsina (name) kureva zita. Lunda vanoti tumba (v. name) kureva kutumidza zita.
- Lugwere vanoti kutuuma (v. to name a person; give a name) kureva kutumidza zita.