Kufema
(runangakatsva kubva kuKutura befu)
Kufema chiitiko chinokonzera mweya kupinda nokubuda mumapapu.
- Chifemo kana mafemo (breath) zvinoreva mweya unobuda nokupinda kana munhu achifema.
- Kufemedzeka kana kufemereka (to be out of breath; to breathe pantingly).
- Kukanhaira kana kukanyaira (Pant) zvichireva kufemereka.
- Kubefura (Breathe out).
- Kutura befu kana kubefura zvinoreva kufemera kunze - asi rinonyanya kuturwa munhu paanofemera kunze nenzira inonzi sighing kuEnglish.
- Kubefera (breath in) zvichireva kufemera mukati - iri izwi hariko kuShona yemazuvaose asi ranyorwa pano kuedza kupfupisa matauriro.
- Kufenga (draw in one's breath).
Mitauro yeBantu
chinjirudza- MaZulu vanoti amaphefu (A breather, respite, rest for breathing) kureva kutura befu.
- MaZulu vanoti phefumula (breathe) vachireva kufema. Mamwe mazwi: umphefumulo (n. breath, life, soul).
- VaZigula vanoti kuhema (breathe) kureva kufema. Mamwe mazwi: kuhemera (breath on) kureva kufemera. Mpumuzi (n. breath) kureva mafemo.
- VaTiriki vanoti khuheera (n. breathe) kureva kufema. VaTsonga vanoti hefemula (breath, breathe) kureva kufema.
- Yao inoti kupumula (to breath; to rest) kureva kufema kana kuzorora. VaYao vanoti kupumasika (to breath heavily) kureva kufema zvakanyanya.
- Olunyaneka inoti okufima (n. breathe) kureva kufema.