Kufudza

(runangakatsva kubva kuKuutsa)

Kufudza (herding animals; to shepherd) kana kulisa[1] (kuChikaranga) zvinoreva kuchengetedza zvipfuyo kana kuti mhuka dzepamusha panguva iyo dzinenge dziri kumafuro. Basa iri rine zvinangwa zvinosanganisira: kusvitsa zvipfuyo kunzvimbo dzine mafuro akanaka; kusvitsa mhuka kunonwirwa mvura; kudzivirira mhuka kuti dzisabiwa kana kukuvadzwa; kuchengetedza mhuka kuti dzisadya zvirimwa muminda.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Mautsahuku izita rinodudza kuti munhu ari kutaurwa murombo zvokuti anenge achatofudza huku.
  • Marisamhuru izita zvakare.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Kimbundu vanoti kubila (v. graze; pasture; browse) kureva kufudza.
  • Swahili vanoti mlishi kana walishi (shepherd). Chidigo vanoti mrisa (herdsman) kureva mufudzi wezvipfuyo.
  • Kiikizu vanoti -riisha (1. feed; 2. herd animals). Mang'anja vanoti kubusa (1. to herd; to drive together).
  • Nyungwe inoti makabusa (shepherd/s) kureva muushi. Lunyoro vanoti omulisi (shepherd) kureva mufudzi wehwayi.
  • Manga Kanuri vanoti dárà (n. pastoral migration) kureva kutama mafuro.

Mabviro eruzivo chinjirudza

  1. C.S Louw, (1915), A manual of the Chikaranga language, peji 18., Bulawayo Philpott & Collins. Yakatariswa: 26 Nymavhuvhu 2021