Bari (kuChingezi: gene) kana mabari kana akawanda, izwi rinowanikw muchidzidzo cheUnenamhenyu. Pahumwe toti bari. Shomwe yeNyere (cell nucleus), ine nhengo dzinonzi mabari dzinopereka mabvumbo kubva kuna Baba naAmai vemunhu. Mabari inhangande dzinotakura mashoko emabvumbo eropa rechinhu chose chinorarama. Mabari inhengo dzetsatsimuvara. Panoitika kuberekana kweNyengo (sexual reproduction), bari rechirume rinosangana nebari rechikadzi kuti pachivamba kuumbwa mwana. Mabari ndiwo anotsetsenura zvinhu zvinosanganisira: ruvara rwemaziso; mipanda yeropa; ruvara rweganda; ruvara rwevhudzi; zvichingodaro. Asi nyanzvi dzinoti hunhu hwemunhu hautongwe nemabari ari pamunhu.

Kupiwa KweZitaEdit

Izwi rokuti mabari riri kutodzaniswa nezwi rokuti kubarika - to spark. Saka mabari inhangande dzenhakaropa (units of inheritance) dzinobarika kubva kuna baba naAmai vemunhu dzichinoumba muviri wemwana.

  • Kuparira (engender; trigger; provoke; cause or give rise to a feeling, situation or condition).

Mamwe MazwiEdit

Mazwi eEnglish achada kuturikirwa anosanganisira: generic, genome, genomics, genetics, geneticist, genealogy.

Mitauro yeBantuEdit

  • VaGiryama vanoti Mabarii (kin, kindred - one's family and relations) kureva mhuri nehama.
  • VaDigo vanoti mabaro (habits, characteristics) vachireva musambo wemunhu.
  • VaMambwe vanoti cisilano (heredity, an inherited quality - good or bad) kureva chisiyirano.
  • VaLozi vanoti -yambula (to inherit the character of one's parents) vachireva kugashira chiviri chevabereki.