Rihwa

(runangakatsva kubva kuMariva)

Rihwa (n. Falling stone trap). Riva, diwa kana madiwa (Flat Stone Trap) imhando yemuteyo unoshandiswa kubata mbeva kana makonzo. Riva rinogadzirwa nehwendefa yedombo inenge yakagara pasi kune rimwe divi, rimwe divi rakasendamiswa pakamuti kanonzi mutimiko, mhinjiriko kana rutsatsanhi. Kamuti aka kanobata dombo zvisina kunatsa kusimba, zvokuti kana mbeva yagumha kamuti dombo rinobva rawira mbeva iya. Pasi pedombo panoiswa chidyo chakadai senzungu kana chibage kuti mbeva dzisvikepo dzichitsvaka chikafu.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaLenje vanoti muliwa (falling trap) zvichireva riva.
  • Baila vanoti idiba (trap for birds or rats) zvichireva riva.
  • Nyungwe neChewa vanoti diwa (n. falling trap) kureva riva.
  • Mbunda vanoti chiliva (n. falling trap) kureva riva. Bemba vanoti iliba kureva rihwa.