Shoko rokuti muteyo (trap) rinoreva chiro chakagadzirwa nechinangwa chokubata mhuka, shiri, hove, tupembenene zvichingodaro.

Mhando dzeMiteyo chinjirudza

  • Riva, diwa kana madiwa (Flat Stone Trap) imhando yemuteyo unoshandiswa kubata mbeva kana makonzo. Riva rinogadzirwa nehwendefa yedombo inenge yakagara pasi kune rimwe divi, rimwe divi rakasendamiswa pakamuti kanonzi mutimiko, mhinjiriko kana rutsatsanhi. Kamuti aka kanobata dombo zvisina kunatsa kusimba, zvokuti kana mbeva yagumha kamuti dombo rinobva rawira mbeva iya. Pasi pedombo panoiswa chidyo chakadai senzungu kana chibage kuti mbeva dzisvikepo dzichitsvaka chikafu.
  • Dhibhura kana (pole and rope trap) imhando yemuteyo unogadzirwa kuchishandiswa depute remuti unotepuka rinosungirwa tambo kudivi rekumusoro. Tambo iya inokakatirwa pasi paunorukwa kuita musungo. Dhibhura rinoshanda nenzira inoti kana mhuka yatsika musungo uya, mhuka inobatwa nemusungo ichibva yarapurwa kuenda mudenga yosara yakarembera patambo.
  • Hunza (Game pit) rinoreva muteyo unocherwa gomba munzira dzinofamba nemhuka, gomba riya richibva ravharwa neuswa kana zvitanda zvisina kusimba. Zvino kana mhuka dzopfuura dzinowira muhunza dzichibva dzatadza kubuda. Kana muvhimi auya chake kubaya mhuka iya nepfumo.
  • Chigwambura chinogadzirwa nerhekeni.
  • Mutimiko, mhinjiriko kana rutsatsanhi (trigger of a falling stone trap).
  • Muravu (a snare of sticks and a string for hares). Izwi iri rinotaurwa kuChiNdau. Muravu izita remhuri.
  • Urimbo (bird lime).
  • Mudhanda kana mukuni (Game trap fallinglog type).
  • Mhuru yedhibhu inokoswa nerwodzi rwezenya: the noose of the whip-snare is woven from the fibre of the sting-nettle.
  • Matsviture kana gwadidzo (Trap generally falling stone that never fails to catch game). Zvichida ndipo panobva zita remhuri rokuti Gwatidzo.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Psalm 124:7, Mweya yedu yakapokonyoka kudai ngeshiri kubva mumurau wevateyi;murau wavhunika, nesu tapokonyoka.

Tsumo chinjirudza

  • Chafamba kamwe hachiteyiwi. What has passed (happened) once cannot be trapped.
  • Chapinda kamwe hachiteverwi. What has passed once cannot follow.
  • Inochema ndeiri paurimbo, iri muriva inoti denga rawa. The (bird) which shrieks is the one on the bird-lime; the one (caught) in a stone-trap thinks the sky has fallen.
  • Ibangano muchateya kuzondoona kwava kwomumwe chete. Consultation is necessary when setting a trap but one (only) does the checking.
  • Tsuro iri pauzamba inosunungurwa neakaibata. The hare in the trap may only be removed by the one holding it fast.
  • Ateyera mariva murutsva haachatyi mhapa kusviba. One who sets stone traps on burnt grass is not afraid of blackening his (posterior) skin wear.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Mambwe inoti -tea (to set a snare) kureva kuteya muteyo. Kinande inoti omuteyi (a trapper, one who sets a snare) kureva muteyi.
  • VaLungu vanoti ukuteyanya (to prepare) kureva kugadzirira. VaLungu vanoti ukuteyanyana (to prepare each other) kureva kugadzirirana.
  • Zigula inoti kilunda (n. a hippopotamus trap). Mamwe mazwi: kutegela (v. entrap). Nyanja inoti bio kana biyo (n. fish fence trap).
  • Swahili inoti mkonzo (stick, rod, pole with a hardened tip, used as a hunting weapon or in pit traps). Swahili inoti mkonzo, mkonjo (pointed stick, hunting spear).
  • Kolokuma Izon inoti dee (v.t. set; put; arrange; place).