Tsuro (rabbit in English) imhuka inowanikwa musango uye inopfuyiwa pamusha. Tsuro iri pamupanda wemhuka dzinoyamwisa. Mhuka iyi inowanikwa Pasirose iyine mhando dzakasiyana-siyana. Kamwana ketsuro kanonzi kanhowa.

Tsuro

Magariro chinjirudza

Tsuro dzinowanikwa munzvimbo dzinoti, mapani; masango; matoro. Tsuro dzigadzira nzvimbo pasi pemakwenzi kana kuchera mwena yadzo. Vanamazvikokota vanoti tsuro zhinji dzinowanikwa kuNorth America. Tsuro dzinowanikwayo kuchamhembe kweEurope; kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAsia; Sumatra; Japan neAfrica.

Chimiro cheTsuro chinjirudza

Tsuro dzine nzeve dzakareba kuita 10cm idzi dzinobatsira kunzva kana zvikara zvouya. Makumbo eshure ndiwo ane simba rakanyanya uye ndiwo anoshanda pakukwakuka kunoita tsuro pakusvekuta nepakumhanya. Makumbo emberi ane zvigunwe zvishanu, nechimwe chiri pamusoro zvishoma.

Tsuro inoreba kuita 20-50cm kubva kumusoro kusvika kubesu, ichiita huremu hunosvika 0.4-2kg.

Tsika chinjirudza

Ana ambuya nanasekuru vanotaura ngano zhinji dzana tsuro nagudo; tsuro inonyanya kutaridzwa sekamhuka kadiki kakachenjera gudo riri mhuka hombe isina kungwara.

  • Kuramba nyama yechidembo hunge uine yetsuro.
  • Ukaona tsuro yamisa nzeve, yonyera nhango dzokutiza.
  • Tsuro ina mabiribidi: a hare is full of tricks. Kune zita remhuri rinonzi Mhiribidi.

.

  • Tsuro yakabuda mumakwenzi ndokuti pachena gangara: the hare left the bushes and appeared in the open.
  • bvembere (ideo of Dodging to evade capture - as hare being pursued).
  • Kubvemberedza (Cause to dodge in order to evade capture).
  • Kubvembereka (Dodge continuously to evade capture e.g. hare).

Tsumo chinjirudza

  • Tsuro iri pauzamba inosunungurwa neakaibata. The hare in the trap may only be removed by the one holding it fast.
  • Tsuro haiponi rutsva kaviri. A hare does not escape a veld fire twice.
  • Tsuro haipunyuki rutsva kaviri.
  • Kudzinga tsuro dzinga netsvimbo mbiri imwe ikapotsa imwe yorova.
  • Kwadzinorohwa matumburira ndiko kwadzinomhanyira. Where they (hares) are beaten on the abdomen (killed), that is where they flock again.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Fwe inoti kashurwe (rabbit) vachireva tsuro. KiKagulu inoti sungula (n. hare) vachireva tsuro.
  • Nyakyusa inoti kalulu (n. hare) vachireva tsuro. Swahili inoti sungura (n. hare) vachireva tsuro.
  • MaZulu vanoti genga (v. Cheat, trick, deceive). Muenzaniso: Hawu! ngizigengile! (Oh! what a trick I've played on myself !). Fananidzai nokuti tsuro magen'a.
  • MaZulu vanoti umgengi kana abagengi (n. Deceiver, cheat, one who tricks) kureva magen'a. Rukwangwali inoti ndimba (n. hare) vachireva tsuro.