Gudo
Gudo (baboon in English) imhuka yemusango yakafanana netsoko. Makudo ane mumhu unosiyana zvichienderana nerudzi rwegudo racho. makudo ari kuGuinea akareba 50cm uye ane huremu hunoita 14kg; makudo ari kuno kuChamhembe kweAfrica akareba 120cm uye ane huremu hunoita 40kg.
Zvinoita sekunge gudo rakabata pfungwa dzevanhu kunyanya nemaitiro aro kana kuti maramiro aro. MuChiShona gudo rine mazita akawanda. Mamwe mazita ndiwo anoti: bveni; diro; mutiro dede. Pahuwandu anonzi matede, makudo kana mapfeni.
Tsumo
chinjirudza- Gudo guru peta muskwe vapwere vagokuremekedza.
- Chinokura chinokotama musoro wegudo chave chinokoro
- Charovedzera charovedzera gudo rakakwaira mawere kwasvipa.
- Jerandoga zvinoreva mukono wegudo unogara woga. Izwi iri rinoshandiswawo kutaura handira kana dzimwewo mhuka dzinogara dzoga. Vamwe vanoti mhuka inodya yoga inonzi mberera - iyi ingava mhuka yerudzi chero.
- Kuziva kune mombo ndokuna ani haidyi ichinyima mboyi.The male baboon shows unprecedented generosity; he does not eat anything without sharing with his female.
- Chiro chiregwa, mutiro achirega nzambara. Everything has to be left as the babooon gave up nzambara fruit. (wild grapes)
- Gudo harivingirwi pachiro. A baboon is never pursued up to his sleeping place.
- Bveni kuipa zvaro, haridyi chakafa choga.
- Gudo kutya zvaro asi haribatirwi mwana.
- Gudo rakapona namanainai. A baboon escaped by dodging from place to place.
Muimbi Oliver Mtukudzi wakaimba, Gudo munorivengerei, gudo haridye husiku? Nhunzi wawapumha ndiye anopa zvirwere.
Mazita emhuri nenzvimbo
chinjirudzaKune mazita emhuri ane chitsama ane chekuita negudo. Mamwe ndiwo anoti: Nyamapfeni, Dirorimwe, Jerandoga, Chiro, Mutiro, zvichingodaro (zvd).
- Pamugwagwa unobva Concession uchienda kuMvurwi pane musha une zita rokuti Muswewenhede. Vamwe vatauri vanoti iri zita raifanirwa kuti Muswewedede - kureva muswe wegudo.
Mitauro yeBantu
chinjirudza- VaChewa vanoti nyani (baboon) kureva gudo. VaKagulu vanoti dinyani (baboon) kureva gudo.
- VaSotho vanoti pfene (n. baboon) kureva gudo. MaZulu vanoti imfene (baboon) kureva bveni.
- Venda neSepedi vanoti tshwene kureva gudo. Sangho vanoti bakoya (n. baboon) kureva gudo.
- Setswana vanoti tshwene kureva gudo. Xitsonga vanoti mfenhe kureva gudo.
- Runyambo vanoti anyani kureva makudo.