Matereke sezita
Matereke izita rinowanikwa muZimbabwe.
- Vanhu vane zita iri: Kudzai Matereke; Tawona Matereke; Tendai Matereke; Chipo Matereke.
- VaNdau vanoti tereka (to put pot on fire) zvichireva kugadza poto pamoto.
- Mazwi ari pedyo: Kutereka sezita.
Mitauro yeBantu
chinjirudzaPano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya.
- VaMakhuwa vanoti notereka kana anotereka pakuwanda (cook) vachireva munhu anobika.
- VaChewa neVaHerero vanoti tereka (boil, to set pot on the fire) kureva kufashaidza. Tereka onyama (boil the meat).
- Kimbundu neUmbundu vanoti teleka (cook by boiling). VaVenda vanoti -tereka (v. strike. From Afrikaans terk).
- VaRundi vanoti gutereka (put a thing in its certain place; put on the ground; to move something to another place).
- VaKongo neLenje vanoti teleka (to set a pot on fire, to boil water) vachireva kugadza poto pamoto.