Mhepo
Mhepo (wind) zvinoreva kuvhuvhuta kana kufamba kwemweya watinofema uchibva panzvimbo imwe uchienda pane imwe. Mhepo inovhuvhuta ichibva kune puresha yakakwira kuenda kune puresha yakaderera.
Zvingashandiswa mhepo
chinjirudza- Kuwurutsa mbesa.
- Kufambisa zvikepe.
- Kukwenya magetsi.
- Mhepo ndiyo unotakura mufunga wemvura kubva kugungwa mvura yacho ichizonaya padunhu.
- Tarisai chinonzi Chipeperabesu neChipeperahuma.
Kurerutsa Mutauro
chinjirudza- Kupepera (to flutter, to wave as a flag) apa kureva kupepereka sezvinoita mureza uchipeperetswa nemhepo. Chipepera rikagova zita remunhu.
- Fungo kana mvututu (billow, a large undulating mass of something, typically cloud, smoke, or steam). Zvichida izwi rokuti mvututu ndipo panobva zita rokuti Mvududu?
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- VaDigo vanoti phepho (strong wind) vachireva mhepo. Kinande vanoti embeho (n. cold) kureva chando.
- Swahili vanoti peperuka (fly away; be carried away) kureva kupeperuka. Mamwe mazwi: pepeta (sift, winnow, separate) kureva kupepeta.
- VaLungu vanoti u-muza (n. wind) vachireva mhepo. Bangala vanoti kupepa (blow) kureva kupepera.
- Kemedzung vanoti kɨfuŋ (n. wind) kureva mhepo. Fananidzai nokuti mafungo?
- Sangho vanoti pupu (n. wind) kureva mhepo.
- Maconde inoti lipungo (n. wind) kureva mhepo. Maconde inoti -punga (v. blow - of wind) kureva kuvhuvhuta kwemhepo.
Dariro remifananidzo
chinjirudza-
Mhepo pavanhu
-
Mhepo pamuti