Shoko rokuti mubvumo, dutu kana mututu (storm, very strong wind) rinotaura mamirire ekunze anokwanisa kusanganisira: mhepo ine simba, kunaya kwemuvura zhinji uye mheni nemabhanan'ana. Kunyika dzinotonhora kunoitawo mitutu yesinowo - snow storms. Munyanza munokwanisa kuitawo dutu remhepo rine masaisai makuru.

Mitutu, Chamupupuri, chinyamupupuri kana chamungwe (whirlwind).

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Rinozoapo tende rokuita bvute masikati kubva mukupisha, nokuita pokutizira, nokuita pokudzama mubvumo nokunaya kwemvura: It will provide shade from the heat of the sun and a place of shelter and protection from storms and rain. (Isaiah 4:6, Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeAfrika

chinjirudza
  • Nyungwe inoti conzi (storm especially violent one) kureva dutu. Kagulu inoti mp'iri (a storm) kureva mubvumo.
  • Kinande vanoti omú̧tú̧ta (windy harmattan season - there is a lot of dust in the air you can't see far).
  • VaVenda vanoti mubvumo (rumbling; thunder; thunderbolt; sound). Mamwe mazwi -bvuma (v. rumbling). Dumbu (n. storm).
  • VaKikuyu vanoti rokungu rua mbura kana ngungu (n. storm) kureva dutu remvura.
  • Yao inoti mpepela kana mhungo (n. breeze) kureva mwando. Mamwe mazwi chimbunga (a whirlwind) vachireva chamupupuri.
  • Maconde inoti shimbunga (a storm) kureva mubvumo. VaGulu vanoti mp'iri kana map'iri (a storm) kureva mubvumo.
  • Kutuk inoti lututu (n. storm) kureva dutu. Bushong inoti munga (wind) kureva mhepo.
  • Umbundu inoti ocipepe (n. whirlwind) kureva chamupupuri.