Mweni

(runangakatsva kubva kuMuenzi)

Mweni, muenzi mushanyi, mumutsi (guest) apa kureva munhu awuya pamusha achishanya ari munhu asingagarepo mazuva ose.

Mwenzi (stranger to locality) zvinoreva munhu asingawanzi kugara panzvimbo iri kurehwa, munhu mutsva.

Mamwe mashoko anotodzana neiri ndeanoti vaeni, vayenzi, nhenzi kana zenzi.

  • Hweni kana bweni (1. Quality of being a stranger. 2. Presence of strangers).

Tsumo neZvirevo chinjirudza

  • Mweni, mweni zuva rimwe zuva repiri mupeyi badza.
  • Mweni haaendi nedura. A guest does not carry away the granary.
  • Kuchengeta imbwa yomweni, kuda mwene wayo. Keeping a stranger's dog means liking its owner (too).
  • Ane mhuri ngeane mhurikadzi varume vaeni. The one with daughters has a family, sons are guests.
  • Kubayira mweni mbudzi kuti vomo mumba vadye zvavo. To kill a goat for a guest implies that everybody in the family will have a share.
  • Kubayira mweni mbudzi kuziva novohwo. To kill a goat for the guest (means) to know the family.*
  • Kubikira mweni kunzwa neyakowo (nzara). To cook for a guest means you are also hungry.
  • Maramba kukombwa maramba hweni. One who does not like people around him also resents guests.
  • Chirega kuita muenzi muzukuru, pano pamusha pako.

Mitauro yeAfrika chinjirudza

  • Lozi inoti mwenyi (guest, visitor) kureva mweni. Digo inoti mjeni (guest, visitor; foreigner) kureva mweni.
  • Nyanja inoti chirendo (manner of a stranger) kureva huenzi. Nyungwe inoti mlendo kana alendo (guest/s) kureva vaeni. Waalii vanoti saana (n. visitor) kureva mweni.
  • Tsonga inoti endza (v. visit) kureva kushanya. Umbundu inoti ukombe (guest, visitor) kureva muenzi.
  • Barotse inoti muenyi, mupoti, mueti (n. guest, visitor, new-comer, stranger) kureva mweni. Lenje inoti mwansu (traveller; stranger; guest) kureva mweni.
  • Kinande inoti eritambira (v. to walk towards) kureva kutambira? Nyakyusa inoti ambilila (v. receive; entertain guests).