Muza izita rinowanikwa muZimbabwe.

  • Vanhu vane zita iri: Chiedza Muza; Kudzai Muza; Tatenda Muza; Kudzanayi Muza.
  • Kuza (to come) rinoreva kuuya; izwi iri riri mumamwe mazita anoti: Muzamhindo; Muzanenhamo; Muzanarwo [na[Muzanebanga].

Mitauro yeBantu

chinjirudza

Pano panyorwa mazwi ari pedyo nezita iri kune mimwe mitauro yeChiBantu, asi zvinoreva zita zvigona kusiyana zvachose nemazwi ari pasi aya. Chinangwa ndechekutsvaga zvinoreva mazita, zvikurusei kana mazita aya asisiri kutaurwa mumutauro wemazuva ano.

  • VaDigo vanoti muja (one who comes; new-comer) kureva uyo anouya kana muuyi.
  • Luganda inoti ja (to come) vachireva kuuya. VaGanda vanoti jila (to come to or for) vachireva kuuya ku kana kuuyira.
  • VaGanda vanoti jilila (to come to a person for any particular purpose) vachireva kuuya kumunhu nechinangwa chipi zvacho.
  • Herero inoti omu-zo (origin, beginning, foundation). Mamwe mazwi: za, zu, zire (origin). Sokuti: avehe va za mumwe - all people have origin from one man.
  • VaLungu vanoti u-muza (n. wind) vachireva mhepo. Kambaata vanoti muuza (n. banana) kureva bhanana.