Rundaza (mutsetse)

(runangakatsva kubva kuNdandisa)

Izwi rokuti Rundaza (rank formation in English) rinoreva mutsetse wevanhu vakamira vakaererana mapendekete vakatarisa divi rimwe pasina akatarisa gotsi roumwe. Paya panoti mukuru wemawuto anofamba achitarisa mawuto ake, masoja acho vanenge vakaita rundaza vakamira vakatarisa divi rimwe.

Rundaza rwakasiyana nemudungwe pakuti mudungwe vanhu vanomira mumwe shure kwemumwe.

Kurerutsa Mutauro chinjirudza

  • Vavhimi vanofamba vakandandira - Hunters walk line abreast.
  • Ndandisa masoja - Make the soldiers dress their ranks.
  • Runda (procession) rinokwanisa kureva mudungwe wegungano revanhu vari kucherechedza zveChitendero.

Shoko rokuti kurunda rinoreva kuronga zvinhu zvakaita mutsetse panzvimbo - arrange in line. Vamwe vatauri vanoti kundanda kana kuti kundandisa.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Baila vanoti ku bambanya (to place side by side). Runyambo inoti kurunda (v. to heap).
  • Tonga vanoti lundika (gather up, heap up). VaUmbundu vanoti lundika (v.a. amass, gather up, heap up).
  • VaMaconde vanoti kulundanyanga (v. add; augment; increase).
  • VaKagulu vanoti ku-lunda (to hoard, collect, gather, assemble). Mamwe mazwi: chilundo (n. Assembly).
  • VaLamba inoti landamika (v. Set in line, put in row) kureva kumisa rundaza.