Chindau

(runangakatsva kubva kuNdzawu)
Mutauro Chindau
Vatuari 2.4 miriyioni (2000-2006)
Mutauronyina Shanga

Danda

Mhuri yemutauro Chibantu
  • Chivanhu (Chishona)
  • S15 (Chindau)
Nzvimbo Zimbabwe, Mazambuko
Duramazwi reChindau repaWikipidhiya

Chindau (Mamwe mazita: Ndau kana Ndzawu) mutauro weChishona (kana Chivanhu) unotaurwa kumabvazuva kwenyika yeZimbabwe nevanhu vanonziVandau kana Mandau, uye mumatunhu eMozambique. Chindau chiChimanyika chine kahunhu ke Chinguni nokuti Vandau vakasvikirwa ne Vanguni vakagara, kuroora uye kutaudzana nawo, nekuda kwe izvi Chindau chine mashoko eChinguni (vanotaura mamwe mashoko sezvinoitwa ne Vanguni), asi kunyangwe hazvo zvakadaro Chindau chinonzwika kuVashona kwete Vanguni nekuti ruzhinji rwayo rwakaramba rwakafanana neChimanyika kakuru.

Vandau vanowanikwa muhuwandu ruzhinji kunzvimbo senge Chipinge, Chimanimani, Manicaland uye kune huwandu hwudoko hweVandau vanowanikwa wo kuMasvingo munzvimbo dzinenge Bikita. Mumitauro ye Chivanhu, Chikaranga ne Chindau ndicho chinozivikwana kuti chakasiyana nokuda kwemabhi asingawanikwe kuchimwe Chivanhu senge x, c, l kana q.

Pamusoro pezvo, Vandau kana Mandau vanotora 3% yehuwandu hweVashona.

Muenzaniso weChindau chinjirudza

Baba edu ari mudenga, ngariremeredzwe zina renyu. UMambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwa munyika kudai ngomudenga. Tipei nege kurya kwedu kwatinotama nyamashi. Tirekererei ndaa dzedu kudai tisu takarekerera avo vane ndaa kwetiri. Usatipinza mukuedzwa, asi tinunure kuno uwo wakashata.


= M A S H O K O

akafohla = akatizira

kuxapa = kuridza tsamwa

kuqambaya = kurara

Chitendero muChindau chinjirudza

Muenzaniso uri pasi unotaridza musiyanpo uripi pakutaurwa kweChindau neChi ezuru.

Baba edu ari mudenga, ngariremeredzwe zina renyu

UMambo hwenyu ngahuuye

Kuda kwenyu ngakuitwa munyika kudai ngomudenga

Tipei nege kurya kwedu kwatinotama nyamashi

Tirekererei ndaa dzedu kudai tisu takarekerera avo vane ndaa kwetiri

Usatipinza mukuedzwa, asi tinunure kuno uwo wakashata.

Munamato uyu uchitaurwa neChizezuru unoti:

Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudziwe.

UMambo hwenyu ngahusvike. Kuda kwenyu ngakuitwe, pasi sokudenga.

Tipei nhasi kudya kwedu kwezuva.

Tiregererei zvatinokutadzirai sekuregerera kwatinoita vakatitadzira.

Musatipinze mukuedzwa, asi mutinunure mune zvakaipa.

Mitauro yeBantu chinjirudza