Shamwari, mubari kana mubare (friend) zvinoreva munhu wauri pedyo naye zvichionekwa kubudukidza nezvinoti: kuwirirana pfungwa, kufarirana, kuwadzana; kubatsirana nekufambidzana.

  • Mwana anodzvemera nababa vake: a child . relies on its father.
  • Imbwa inoti dzvemere natenzi wayo: a dog keeps close to its master.
  • Ndumurwa inodzvemetera amai: a toddler hangs on to its mother's apron strings.

Gwango chinjirudza

  • Gwango, magwango kana mafariswa (1. Will to associate. 2. Cordiality 3. Unity in diversity 4. warmth and cordiality) apa kureva zvinotaura kuwirirana nekunyoroverana kungavapo pakati peshamwari, hama kana vafambidzani.
  • Ita gwango navamwe: mix with other people.
  • Ane gwango nehama chete: he is friendly only to his relatives.
  • Zvitototo zvine gwango rwazvo: there are different varieties of non-flying beetles.
  • Mashanje kana mafariswa (1. Cordiality, 2. Playfulness, Banter).
  • Mukwanyina (n. Companion, comrade) kureva shamwari.

Tsika chinjirudza

  • Zvamunoona husahwira hunokunda hukama.
  • Shamwari yepedyo pedyo anobata basa rezvirango kana kuudzwa tsvitswa dzakakosha anonzi sahwira.
  • Amai vanodzvemeredza vana nababa: a mother sees to it that her children become inseparably united to their father.

Tsumo chinjirudza

  • Aramba ushamwari apa huku yangu kupona. He who has refused friendship (and) thereupon my fowl lives longer.
  • Vayanani ndivo varwi. Friends are (also) fighters.
  • Vadani ndivo vakani. Friends are (also) fighters.*
  • Hushamwari hwechikweyakweya, mangwana tichanzwa zvipini zvorira. Too intimate a friendhsip will end with hoe handles cracking tomorrow.
  • Ushamwari hwenjiva-varungu mazuva maviri hwaparara. The friendship of pigeons vanishes in two days.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • Basotho vanoti mokhotsi kana bakhotsi (n. friend) kureva shamwari. Mang'anja vanoti mkonzi, chikonda, mkonda (friend) kureva shamwari.
  • VaNyungwe vanoti xamwali kana axamwali (friend/s) kureva shamwari. Uye vanoti ukonzi kana mkondano (friendship) kureva hushamwari.
  • VaChewa vanoti chibali (friendship). VaChewa vanoti mnza (companion) kureva shamwari. Uye vanoti mnzanga (my companion) kureva shamwari yangu.
  • Baila vanoti bwanga (kindness, geniality) kureva gwango. Nsenga vanoti xaka (n. friend) uye vuxaka (frienship). VaTonga vanoti balongwe (friends) kureva shamwari.
  • VaLozi vanoti butaka (n. companionship) kureva hushamwari. Kimbundu vanoti makamba (n. friends). Mamwe mazwi: ukamba (n. frienship). Bavili vanoti bundiku (friendship) kureva hushamwari.