Tsvuku

(runangakatsva kubva kuTsvuku (Ruvara))

Tsvuku (kureva red) kana dzvuku ruvara pane wevhilenthi yakareba kumagumo kwechiedza, padhuze neranjisi uye yakatarisana nevhiore.

Kuvira kwezuva.
Mavara matsvuku emashizha munguva yeMatsutso.

Zvinhu zvine ruvara tsvuku zvinosanganisa ropa, mastrawberry, marozi nemhiripiri, uye semamwe mavara ruvara tsvuku runoonekwa panguva yekuvira kwezuva.

Chirevo ku Vashona chinjirudza

 
Mureza weZimbabwe.

Jira re Retso rinemucheka une mavara matatu, nhema, tsvuku nechena. Jira iri rakakosha zvikuru kuvanhu vechiShona sezvo rakarukwa mukati menhoroondo yavo. Mucheka uyu unozivikanwa zvisizvo semucheka weMidzimu yemhuri (Vadzimu), zvisinei hazvo iwo mucheka ndewe Shavi rinodanwa muChishona seShavi rekuvhima, kana Hombarume (kana Spirit of the Hunter). Jira reretso rinogona kutengwa munhu wese wese, haudise kuva neShavi kuti ukwanise kutenga jira reretso kana kuripfeka. Pamusoro pezvo, mutsika dzanhasi jira reretso rinogona kutengwa nekupfekwa nechero nhengo ye Vashona. Rinopfekwa munzira dzakawanda, semabhandana, madhuku, uye inogona kushandiswa kugadzira masiketi, marokwe, mudhebhe nehembe uye nezvimwewo.

Ruvara rutsvuku runowanikwawo paMureza yeZimbabwe apo inoshandiswa kumiririra ropa revakashaya, ndiro ropa rakadeurwa neavo munguva yehondo dzeChimurenga. Kune rukudzo paruvara rutsvuku, raishandiswawo seruvara rwekungwarira mune tsika zhinji, mumigwagwa umo pamarobhotsi tsvuku ruvara rwekuti umire pamharadzano.

Zvimwe zvirevo chinjirudza

Ruvara rutsvuku zvakare ruvara rehupenyu, hupenyu hwevanhu sezvo inomiririra ropa simba rehupenyu hwevanhu (pamwe neoksijeni). Ndiwo ruvara rwechishuwo nerudo nekuda kwekuti iri rakajeka nekushinga, uye ruvara runobata ziso.

Ruvengo, hasha, hukasha, shungu dzerudo, kupisa nehondo. chinjirudza

Nepo tsvuku iri iro ruvara rwakanyanya kusanganiswa nerudo, irwo iro vara rinonyanya kusanganiswa neruvengo, hasha, hukasha nehondo. Vanhu vakatsamwa vanonzi "vanoona tsvuku." Tsvuku ndiro ruvara runowanzobatanidzwa neshungu dzerudo (passion) uye kupisa. MuRoma yekare, tsvuku raive ruvara rweMurongazuva (mars), mwari wehondo - chindeya Murongazuva yakatumidzwa kutevera iye nekuda kweruvara rwayo rutsvuku.

Ruvara runobata ziso. chinjirudza

Tsvuku ndiro ruvara rinokwezva kutariswa. Ongororo inoratidza kuti ndiwo muvara unonyanya kusanganisirwa nekuonekwa, kuswedera pedyo, uye kuwedzererwa. Ndiwo zvakare mucherechedzo unoenderana nesimba uye zviitiko.

Tsvuku rinoshandiswa mumafashoni azvino sezvazvaishandiswa mukupenda kweZvinyakare (Middle Ages); kukwezva maziso emuoni kune munhu anofanirwa kuve ari pakati pekucherechedza. Vanhu vakapfeka zvitsvuku vanoita kunge vari padyo kupfuura avo vakapfeka mamwe mavara, kunyangwe ivo vari varikure. Tsvuku inowanzo pfekwa nevanochengetedza vamwe nevamwe vane basa rinoda kuti vawanikwe zviri nyore.

Nekuti tsvuku inokwezva kutariswa, inowanzo shandiswa mukushambadzira, asi zvidzidzo zvinoratidza kuti vanhu kashoma kuverenga chimwe chinhu chakadhindwa mutsvuku nekuti vanoziva chiri kushambadza, uye nekuti zvinonyanya kuoma kuverenga kupfuura mavara matema nemachena.

Chirevo mutsika dzevamwe chinjirudza

Mutsika dze Vavhiyetinamu, tsvuku ndiro ruvara rwemufaro, rudo, rombo rakanaka, uye kupemberera.

KuJapani, tsvuku ruvara rwechivanhu rwegamba. KuIndiya, ruvara tsvuku rinoonekwa seruvara rwemarokwe evakadzi panguva yemuchato pavanoroorwa.

KuPakati pe Afurika, varwi we Vandembu vanozvikwiza nependi tsvuku panguva yekupemberera. Sezvo tsika yavo ichiona ruvara sechiratidzo chehupenyu uye hutano, vanhu vanorwara vanopendwawo nayo. Kufanana netsika zhinji dze Pakati pe Afurika, Mandembu vanoona kutsvuka sekwakajeka, saka kwavari hutsvuku huri nani kudarika pane kuvamutema, sekuvamuchena. Mune mamwe mativi eAfurika, muvara tsvuku ndewekuchema, unomiririra kufa.

KuChayina tsvuku ( Chichayina chakareruka 红; Chichayina chechinyakare 紅; pinyin: hóng) ruvara rwemucherechedzo wemoto uye kumaodzanyemba (ku Chamhembe cheChayina). Tsvuku inotakura chirevo chekunaka kwazvo, uye ruvara runoonekwa seruvara rwekushinga, kuvimbika, kukudzwa, kubudirira, hupfumi, kubereka, mufaro, shungu dzerudo, uye zhizha.

Musainzi nezvisikwa chinjirudza

Kuita tsvuku (blushing/turning red). chinjirudza

 
Blushing emoji.

Chirevo ichi chinonyanya kuvanhu vaneganda rakati chenei, nekuti ndiwo wanoonekwa kana washanduka kuita tsvuku pamatama nyangwe kuchisos chese, kana wanyadziswa, uye kana waripamberi pemunhu wavanoda. Vanhu vaneganda tema havaonekwe kumatama kana vanyadziswa uye kana vari pamberi pemunhu wavanoda.

Mapigimendi nedhayi. chinjirudza

Zvichero neMavhegi. chinjirudza

Maruva chinjirudza

Mhuka chinjirudza

Vhudzi tsvuku. chinjirudza

Marefurenzi chinjirudza

  1. enwiki: Red (colour)
  2. Blazermag, 31 May 2020, Howling culture
  3. snwiki: Jira Reretso
  4. papaleng amazing animals, n/a, 10 stunning and gorgeous red animals
  5. Flower glossary, n/a, red flowers
  6. enwiki: Otjize
  7. enwiki: Stone age, Zimbabwean Art