Ziwumbe (kureva continent) muchidzidzo Taranyika zvinoreva zidunhu zihombe-hombe rinosimuka kubva mugungwa richiva nzvimbo ziendanakuenda rine nzizi, makomo, mapani, mipata zvichingodaro. Zita iri rinodudza zinzvimbo rakabatana rakawumbwa richitambanuka kuita mitunhu yakataramuka nhambwe huru kubva kune gungwa. Nokumwe kutaura tingaturikira tichiti dunhumandinde.


Chidzidzo cheTaranyika chinotaura zviwumbe zvinoti: Afurika; Ezhiya; Andakitika; Amerika Maodzanyemba; Amerika Chamhembe; Yuropu ne Ostireriya.

Mitauro yeBantu

chinjirudza
  • VaSwahili vanoti bara (1. land, mainland, interior - as opp. to coast; 2. territory, continent).
  • VaDigo vanoti bara kana mabara pakuwanda (1. continent, large mass of land; 2. inland, upcountry).
  • VaSwahili vanoti mrima (1. coast, coastal region 2. mainland, continent). VaIkizu vanoti ribhaara (continent).
  • MaZulu vanoti uludadawe (continent).


Ziwumbe