Amire (Chiarabhu:أمير ʾamīr) kana kuti amiri, ishoko reChishona rinofungirwa kuva nemavambo kuChiarabhu rinomirira chimamborume (male mornachy), mbinga, munhu ane rheniki huru mumawuto kana hofisi ye zvehutonganyika, kana munhu ane mukondo wezviito. Dumidzo iri rakagara richishandiswa kubva munhoroondo ye Vuarabhu (Nyika ye Arabhia), Mabvazuva eAfurika, Madokero e Afurika, Afughanistani uye Ziwumbedzasi re India. Muzera ramazuvano, parinoshandiswa sedumidzo rechimambo rinomirira "nevanji", richigona kutsigirwa pamusoro pemwanakomana wechimambo cheugombwa, uye kuchimambo chinenge chichitonga vuchinda we muvusi, senge Amireti. Fomu ye chikadzi inonzi emira (أميرة ʾamīrah), zvichirevawo kuti chandakadzi kana mamoyo. Mushure mekushandiswa sedumidzo rechimambo, izwi rokuti "Amire" raishandiswa kureva "komanda", "jenerari" uye "mtungamiri" (senge Amir Mu'min, kana kwedu kuChishona Changamire Dombo (apo kunyorwazve sa Changamir Dombo)). Mumashandisirwo anyamushi, "Amire" ravakushandiswa wo dzimwenguva se dumidzo rouremekedzo kana reukudzo kuvatungamiri veUyisalama, kana chiArabhu (zvisina basa nechitendero) weshangano kana vuendo (movement).

Chishona ne Chishemu chinjirudza

Peji huru ndeiri: Hukama pakati pe Chishona ne Chishemu (Chisemiti).

Changamire chinjirudza

Kuwanikwa kwe shoko iri kumitauro ye Chivanhu senge pazita rokuti Changamire (uye tjangamile paChikalanga, Chishona chokumadokero), kunogona kunge kwakadaro nokuda kwokuti Vashona vakambogara kumabvazuva eAfurika muTanganyika (Tanzania ya nhasi) vasati vafamba kudzika kuZimbabwe. Chishona chine hukama huri pedyo-pedyo nemitauro inowanikwa kuMabvazuva eAfurika.

Chishona chinemashoko mazhinji akafanana uye ane chirevo chakafanana nemashoko anowanikwa kumitauro inowanikwa kunyika zhinji ye pasirose, kuAfurika-Ezhiya kunowanikwa mitauro inenge Chijapani kana wo Chichayina. Asi mimwe mitauro ine mashoko akafanana ne eChishona mitauro ye mhuri ye Chishemu (kana Chisemiti), senge Chiarabhu, Chihebheru uye mimwe wo. Shoko rinonyanyo taurwa panguva inoundurwa kufanana kweChishona ne Chishemu ndi Mwari, richinzi rakabva kumashoko anosanganisa Mu + el kana Mu + Ali kureva kuti Muari (Muel/Muali) zvichizova Mwari nokuti ndomatauriro edu Mashona. Nezhira imwechete, zvinonzi shoko reChishona rekuti Changamire rine mavambo eChishemu zve, rinonzi rakabva pausangano hwe mashoko changa + amir, e akawedzerwawo nokuti mitauro zhinji ye Chibanthu haipedze shoko risina nzvovera.

Mashoko ashandiswa chinjirudza

  • rw'umambo' - kubva pashoko reChiarabhu ngeChiswahili roku 'malika rinoreva kuti royalty
    • umambo, vumambo - kureva mornachy/kingdom nekuti shoko rokuti monaki harina kushandiswa nokuti ragara richishandiswa kuChishona pakutaura nezve monarch (bheke) uye shoko rokuti umambo/humambo harikwanisi kushandiswa zve nokuti ragara richishandiswa kureva kingdom. Shoko rokuti chimambo ririkubva pa Chishona.
      • umarikarume kana chimamborume - kureva male .
  • mwito, muito - kureva ceremonial,
  • Ziwumbedzasi - kureva subcontinent, kusanganisa mashoko okuti ziwumbe uye dzasi (zasi).
  • Vuchinda - kureva principality
  • Mamoyo kureva mukunda wa Mambo
    • Jandakadzi kana Chandakadzi - zvinoreva kuti princess, ririkubva pashoko rokuti jinda kana muchinda/muchanda kureva prince.
  • Shangano - kureva hoganizesheni (organisation)
  • Vuendo kana vuyendo uyewo uyendo/uendo kureva - movement. Senge Vuyendo weKodzero yeChikaya- civil rights movement kana kuti Hushingairi hweKodzero dzeVanhu (human rights activism).
    • ukaya kana vukaya - kanyi ishoko reChindau, mutauro weChivanhu rinoreva kuti kumba asi ririkushandiswa zve kureva "civil".
    • chikaya kurev "civic"

Mabviro eruzivo chinjirudza