Chipari

(runangakatsva kubva kuBarika)

Chipari, barika kana kuti guru zvinoreva musha une murume akaroora vakadzi vanodarika mumwechete. Tsika dzemarudzi mazhinji emuAfrica dzinotendera varume kuita barika, ringava barika revakadzi vane hukama kana vatorwa vasina hukama. Mune dzimwe nhambo kunowanikwa vakadzi mukoma nemunin'ina vakaroorwa nemurume mumwe; dzimwe nhambo tete nemuzukuru vanowanikwa vakaroorwa pamurume mumwe. Asi hazvaiwanikwa kuti amai nemwanasikana vanororwa pamurume mumwe - apa shoko rokuti mai riri kushandiswa richibatanidza vakoma nevanin'ina vaAmai nyakutumburura.

Mamwe Mazwi

chinjirudza

Kurerutsa Mutauro

chinjirudza
  • Kudinginda (Lord it over others. Act in conceited and self-sufficient manner. 2. Feel at home).
  • Anodinginda norugare: her well being makes her conceited.
  • Vahosi vanodingindira varongo: the first wife lords it over the others.
  • Nebunha rake raizwi Reuma, naro rakabara Thebha, Gahamu, Thahashi naMaakha; His concubine, whose name was Re’umah, bore children also: Tevach, Gacham, Tachash and Ma‘akhah. (Genesis 22:24 Bhaibheri reChiNdau).

Mitauro yeAfrika

chinjirudza
  • Nyungwe inoti m'kazi wacipali kureva mukadzi wechipiri pabarika. Mambwe vanoti - twala ma mpali kureva kuparika.
  • Chewa vanoti mtsano (first wife in polygamy) kureva vahosi. ChiIbani vanoti bari (v. add) kureva kuwedzera.
  • Luwanga inoti imbalikha (polygamy; jealously) kureva barika. Lubukusu inoti eembalikha kureva barika.
  • Teke-Tege inoti kapàrì (n. part, partition) kureva chikamu. Gyeli inoti baala (repeat) - fananidzai nokuti barika?
  • Lenje inoti mupali (n. 2nd or 3rd wife in polygamy), mukadzi wepiri kana wetatu pachipari. Herero vanoti vari, mbari, tuvari (n. two) kureva mbiri.
  • Digo inoti pharika (to attach, to put in position, to secure, to fix). Zigula inoti mtala (n. polygamy) kureva chipari. Chewa inoti gulu (clan, family, race).
  • Lenje inoti mulongo (n. number of individuals together; group; company, party, band, herd, flock) kureva bato kana boka.