Chibatiro (mudziyo)
(runangakatsva kubva kuChibatiro)
Pachinyorwa chino pari kuunganidzwa midziyo yose yakarukwa sebhasiketi.
- Bangiro (a receptacle for conserving things).
- Chitseme, chikwindi kana rutani (Small woven utensil used for holding meal to be used in cooking sadza) ichi mudziyo unenge tswanda asi iri ndiki.
- Chitepo (1. Strainer for liquids, 2. Wicker colander for cleaning tsenza) zvichireva chimimino.
- Dende (calabash).
- Mudziyo (household utensils).
- Gwindi kana makwindi (Small basket for domestic use).
- Dengu iri iguru rinoshandiswa kukohwera kana kutakurira zvinobva mubindu.
- Dekwe (Any small receptacle).
- Dengwana iri rine hukuru huri pakati nepakati.
- Muhwanda iri ibhasiketi diki.
- Tswanda iyi idiki inoshaniswa kutakura hupfu. Vamwe vanoti rwanda pahumwe hwetswanda.
- Rusero iri rakapwashamara rinoshandiswa kuurutsa mbesa kana kupima mbesa. Kana riri ndiki ronzi chiserwana.
- Nhumbana aka kasero kakanyanya kudupika.
- Dzanza iri zibhasiketi hombe rasakara.
- Rutsanza iri ibhasiketi diki rasakara.
- Zengwe iri rinoshandiswa kumimina hwahwa - kana riri ndiki ronzi ruzengwe.
- Chibatiro (Small general purpose container) Usaenda netswandwa iyi chibatiro changu.
- Chibvino kana chikwizo (grater) kureva mudziyo une maburi unokwizirwa michero yakadai sembatatisi, madomasi, karotsi kuita zvidimbu zvidiki zvinobikiswa zvakadaro.
- Humbidziro (Vessel in which beer is taken home from a beer drink) apa kureva mudziyo unotakura doro kuenda kumba richibva panzvimbo parabikwa - kuita uku kunonzi kukumbidzira kana gumbidziro. Vamwe vanoti mukewo.
- Humbidziro (Small vessel with which to fill a bigger one e.g. with grain).
- Humburiro kana ndedzekero (Supplementary vessel containing what will be added to a larger vessel when it has ceased to be carried) apa kureva mudziyo mudiki unoshandiswa kutakura zviro zvichazodirwa mune mumwe mudziyo muhombe.
- Fombwe (a deep hollow vessel; anything hollow).
- Nhemba (calabash with wide mouth used as a dish) iguchu rine muromo mukuru rinoshandiswa sedhishi kana kubangira dovi.
Mamwe Mazwi
chinjirudzaTsumo
chinjirudza- Mudziyo mukuru haudyi chatenzi. A big vessel does not eat bf the master.
- Tswanda huru haitori chomuridzi. A large basket is not stolen by its owner.
Mitauro yeAfrika
chinjirudza- VaVenda vanoti tshishumiswa (n. utensil) vachireva chishumiso. Venda inoti mudzio (n. utensil) vachireva mudziyo.
- Herero inoti o-ngundu (deep round wooden vessel). VaNdau vanoti zvidziyo (n. utensils) kureva midziyo.
- Bunoge inoti tùmbá bò (is short) kureva kupfupika. Mamwe mazwi: tùmbù kureva kupfupika. Fananidzai nokuti nhumbana.