Chibatiro (mudziyo)

(runangakatsva kubva kuChitseme)

Pachinyorwa chino pari kuunganidzwa midziyo yose yakarukwa sebhasiketi.


  • Bangiro (a receptacle for conserving things).
  • Chitseme, chikwindi kana rutani (Small woven utensil used for holding meal to be used in cooking sadza) ichi mudziyo unenge tswanda asi iri ndiki.
  • Chitepo (1. Strainer for liquids, 2. Wicker colander for cleaning tsenza) zvichireva chimimino.
  • Dende (calabash).
  • Mudziyo (household utensils).
  • Gwindi kana makwindi (Small basket for domestic use).
  • Dengu iri iguru rinoshandiswa kukohwera kana kutakurira zvinobva mubindu.
  • Dekwe (Any small receptacle).
  • Dengwana iri rine hukuru huri pakati nepakati.
  • Muhwanda iri ibhasiketi diki.
  • Tswanda iyi idiki inoshaniswa kutakura hupfu. Vamwe vanoti rwanda pahumwe hwetswanda.
  • Rusero iri rakapwashamara rinoshandiswa kuurutsa mbesa kana kupima mbesa. Kana riri ndiki ronzi chiserwana.
  • Nhumbana aka kasero kakanyanya kudupika.
  • Dzanza iri zibhasiketi hombe rasakara.
  • Rutsanza iri ibhasiketi diki rasakara.
  • Zengwe iri rinoshandiswa kumimina hwahwa - kana riri ndiki ronzi ruzengwe.
  • Chibatiro (Small general purpose container) Usaenda netswandwa iyi chibatiro changu.
  • Chibvino kana chikwizo (grater) kureva mudziyo une maburi unokwizirwa michero yakadai sembatatisi, madomasi, karotsi kuita zvidimbu zvidiki zvinobikiswa zvakadaro.
  • Humbidziro (Vessel in which beer is taken home from a beer drink) apa kureva mudziyo unotakura doro kuenda kumba richibva panzvimbo parabikwa - kuita uku kunonzi kukumbidzira kana gumbidziro. Vamwe vanoti mukewo.
  • Humbidziro (Small vessel with which to fill a bigger one e.g. with grain).
  • Humburiro kana ndedzekero (Supplementary vessel containing what will be added to a larger vessel when it has ceased to be carried) apa kureva mudziyo mudiki unoshandiswa kutakura zviro zvichazodirwa mune mumwe mudziyo muhombe.
  • Fombwe (a deep hollow vessel; anything hollow).
  • Nhemba (calabash with wide mouth used as a dish) iguchu rine muromo mukuru rinoshandiswa sedhishi kana kubangira dovi.

Mamwe Mazwi

chinjirudza
  • Kubvinza, kudzudza kana kuduza (to leak) kutaura kuti mudziyo unodonhedza mvura nekuda kweburi riri pasina kufanira.
  • Pamihwanda iyi wako ndeupi? Which of these baskets is yours?
  • Mudziyo mukuru haudyi chatenzi. A big vessel does not eat bf the master.
  • Tswanda huru haitori chomuridzi. A large basket is not stolen by its owner.

Mitauro yeAfrika

chinjirudza