Duri neMutsi
(runangakatsva kubva kuDuri)
Duri neMutsi (large food preparation mortar and pestle) mudziyo unoshandiswa kupwanya kana kuti kutswa mbeu dzinodyiwa dzakaita sechibage; nzungu; zviyo; mhunga nezvimwewo. Duri (mortar) rinoshandiswa pamwe nemutswi (pestle).
MuZimbabwe duri rinoshandiswa pakutswa nzungu panogadzirwa dovi uye chibage panogadzirwa manhuchu. Kudzvura kunogona kushandwa nemunhu mumwe chete aine mutswi mumwe kana kuitwa nevanhu vaviri vaine mutswi miviri muduri rimwechete.
Mamwe MazwiChinjirudza
Mitauro yeBantuChinjirudza
- VaMakonde, VaLenje neVaYao vanoti kutwa (to pound in a mortar) vachireva kutswa. VaTiriki vanoti khuswaka (to pound - as with a pestle) kureva kudzvura.
- VaZigula vanoti kutwanga (1. pound with a pestle; 2. smash with a pestle in a mortar) kureva kutwa. Kinande vanoti omutwangiro; omutunduli (n. pestle) kureva mutsi.
- VaMaconde vanoti ntuli kana mituli pakuwanda (Mortar) vachireva duri.VaDigo vanoti mutsi (pestle) kureva mutsi. VaTaita vanoti musi (pestle) kureva mutsi.
- VaTumbuka vanoti Thuli na Musi kureva duri nemutsi. VaZigula vanoti tuli kureva duri. Taabwa vanoti munsi kureva mutsi.
- VaHerero vanoti tonda (pound in a mortar) vachireva kudzvura muduri. VaWanga vanoti okhuswaka (v. pound in a morter) vachireva kutswa muduri.