Kupfura simbi zvinoreva kushanda nesimbi ichirohwa nenyundo kana chimwe chinhu chinorema nechinangwa chokuti simbi iyi ive nechiumwa chiri kudikanwa nemupfuri. Vanopfura vanokwanisa kunge vari kugadzira zvinotevera: pfumo; demo; badza; mbezo; museve; muromo wegejo kana dzimwewo simbi dzinopfurwa muhushangazhi mazuva ano.

Zisimbi rinogadzikwa pasi rinoshaniswa nemupfuri paanorova simbi dzake nenyundo rinonzi nhera kana ndudzo - anvil.

  • Nyengo (air pipe of bellows in a forge; mouth of bellows).

Mamwe Mazwi chinjirudza

Chido kana chisindi zvinoreva chikamu chebhaera panosangana mweya uri kubva kumvuto nemoto uri kubvira - kuEnglish ingava ndiyo tuyere.. Vamwe vatauri vanoti nzvimbo inoshandira mupfuri (workshop) inonzi chido zvakare. Apa panoda kujekeswa kuti ndechipi chokwadi.

Mazwi eBantu chinjirudza

  • Kikongo vanoti fula (v. to work in metals, to forge). Mamwe mazwi: lunga (n. a smithy, forge, foundry). Mfula (n. one who forges or works metals).
  • Zulu inoti umfutho (bellows) kureva mvuto. Nyungwe inoti wacipala (n. blacksmith) kureva mupfuri. Sangho inoti ndau kureva mupfuri.
  • VaZigula vanoti kusanila (v. forge). Mamwe mazwi: masanilo (n. furnace). VaDigo vanoti sana (to forge, to make tools from metal), kupfura simbi.
  • VaMambwe vanoti -konza (to forge, to shape by heating and hammering) vachireva kupfura nenyundo.
  • Zigula vanoti mvuo (n. bellows of a blacksmith). Kimanyanga vanoti mufudi (n. blacksmith) kureva mupfuri.
  • Yao inoti kujitula (to anneal iron) kupfavisa simbi nekupisa yopereswa nguva refu. Chuabo vanoti namafula (n. blacksmith) kureva mupfuri.