Shoko rokuti kurera (train up, to nurse) zvinoreva kuchengeta mwana uchimuwanisa zvose zvinodiwa kubva pahudiki kusvika akure ava kuzvionera. Vamwe vatauri vanoti kurisa.

Kurera kunobata zvinhu zvakawanda zvinosanganisira: kukudza, kudzidzisa, kuraya, kuriritira, kuchengeta muhwana huduku - to rear, educate, bring up, support, nurse.

Tsika chinjirudza

  • Mwana chiyamo: a child is a means of support.
  • Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.
  • chisuku (1. Child's vomit - mouthful of; 2. Feeding of a child by hand) kureva chitsuku. Kune zita remhuri rokuti Masuku??.
  • Pwere ( a young child after weaning).

Tsumo chinjirudza

  • Mwana asingachemi anofira mumbereko.
  • Abara achena mwoyo. One who bears a child is patient.
  • Wabereka sekera muchitende.
  • Kugocha kunoda kwaamai kwomwana kunodzima moto.
  • Chirere mangwana chigozokurerawo.
  • Mugoni wepwere ndousinayo.
  • Manatsira pwere imhanje. The one who can please children is a barren woman.
  • Kuroora kweasina tewe kunonetsa. (tewe: guardian) Marriage for one without a guardian is difficult.
  • Nzombe huru yakabva mukurerwa. (Great people are raised up by other people).

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • VaRundi vanoti kurera (to rear a child, adopt, tutor) vachireva kurera munhu. VaWabo vanoti nlelo kana malelo (n. education) vachireva kudzidzisa.
  • VaRundi vanoti umurerwa (a child) vachireva murerwa kana nyakurerwa. VaNyarundi vanoti umurezi (one who rears a child, adopted father, tutor).
  • VaMakua vanoti ulela (to train up) kureva kurera. VaYao neVaTaita vanoti kulela (train up, to nurse) kureva kurera.
  • VaDigo vanoti mrerwa (one who is cared) kureva nyakurerwa kana murerwa. VaDigo vanoti mrezi kana mreradzi (guardian, nanny) kureva nyakurera kana mureri.
  • VaGiryama vanoti ku-rera (v. train). VaMaconde vanoti kulela (v. educate). Nsenga vanoti lela (v. educate).