Kurwa

(runangakatsva kubva kuKurwisa)

Mhanda, kurwa kana dzivo (violence, dispute, obstinacy) izwi rinoreva mvongamupopoto yekurwa neruzha. Izwi rokuti mhanda rinoshandiswa kunyanya nevanotaura chiKorekore.

  • Kununura kana kunanura (separate two fighting parties).
  • Kurandura; kurandutsira kana kununura (intervene) zvinoreva kupindira pakati pevanhu vari kurwa nechinangwa chekumisa kurwa. Marandure anenge ari munhu wacho ari kurandutsira.
  • Makovore, bope kana mhope (a quarrel, a disturbance, noise) zvichireva ruzha rwevanhu vari kupopotana - muchokoto. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chikowore??
  • Chivhumbu (Unexpected assault) apa zvichireva kuerekana munhu orohwa pasina chitarisiro chazvo.
  • Kugebenga (violence). Genesis 6:11 Bhaibheri reChiNdau: Nenyika yaiya yashata pamberi paMwari, nyika yaiya yazara ngokugebenga: The earth was corrupt before God, the earth was filled with violence.

Tsumo chinjirudza

  • Aridza mhere, atya. One who has called for help has surrendered.
  • Apotera, atya. One who has taken refuge has surrendered.
  • Kuzvigamba hunge wakakombwa. (It's easy) to be daring if you are (well) guarded.
  • Tsvaru anodana tivhu. A light stroke invites a heavy blow.
  • Tsvaru ungodana tewe. A light stroke invites a heavy blow. Zvichida ndipo panobva zita rokuti Matewe?
  • Kudzivirira kwakakunda kurwa. Prevention is better than fighting.
  • Mhandakadzi iwonza varanda. A querulous woman makes the servants lose weight.

Mitauro yeBantu chinjirudza

  • MaZulu vanoti ukulwa (Fight, battle with; contend, struggle) vachireva kurwa. Muenzaniso: ukulwa impi (to fight a battle). Isilwi kureva murwi.
  • Herero vanoti pangura (separate the fighting people) kureva kurandutsira. Mamwe mazwi: ruisa (assail, assault, attack, comabt) kureva kurwisa.
  • Herero vanoti piruka (stand one's ground; challenge; repulse; defy; withstand). VaHerero vanoti piruka kana pirukira (defy, turn the front to the enemy).
  • VaTonga vanoti kupilusya (v. give back) zvichireva kudzorera chawapiwa. Kinande vanoti omulwi (n. a fighter) vachireva murwi.
  • Barotse vanoti congo (noise, uproar) - izwi iri rinodudzwa kunzi chongo. VaLenje vanoti yasana (fight, brawl) vachireva kurwa.